Publicidade

Gálatas 4

1 Zvandinoreva nzvokuti, muji wonhaka, paanenge achiri mwana, anenge asinai kusiyana nomuranda, kana nepo ari muridzi wozvinhu zvese. 2 Muji wonhaka ari pasi povareri novatariri kusvikira panguwa idotariwa nababa vache. 3 Nzvibodzi naisisu, patanga tiri vana, tanga tiri varanda vomweya yopanyika. 4 Asi nguwa paidodzonatsa kuzara, Mwari adotuma Mwanakomana wache, adozvahwa nomukadzi, nokudzorarama ari pasi pomutemo, 5 kuti asunungure vaye vanga vari pasi pomutemo, kuti titambire kuitiwa kwedu vanakomana vaMwari.

6 Sezvo muri vana, Mwari adotuma Mweya woMwanakomana wache mumwoyo yedu, anodaidzira kuti, "Baba, Baba." 7 Saka hausisiri muranda asi mwana wache. Sezvo uri mwana wache, uri muji wonhaka yaMwari.

Hanya yaPhauro novaGaratiya

8 Kare, pamanga musinati maziva Mwari, maiva varanda vozvinhu zvisiri Mwari. 9 Asi zvino zvamava kuziva Mwari, kana kuti, zvamava kuzikana naMwari, indava yei mavakudzokera kumitemo isingakodzere isinai nokabonyo kese? Munodirei pakamu kuva varanda vayene iyo isingakoshe? 10 Munochengeta mazuva, nomwedzi, nomwaka, nomakore! 11 Ndinochira kuti basa randidokuitirai ndidobatira mahara.

12 Hama, ndinokukumbirai, ivai kunge inini, nokuti inini ndidova kunge imimi. Hapanai chamudonditadzira. 13 Sekuziva kwamunoita, kwaiva kuhwara kwandaiita kudoita kuti ndikuparidzirei vhangeri pakuthanga. 14 Kana nepo mamiriro yomuviri wangu wanga uri muedzo kwamuri, hamunai kundiramba kana kundizvidza. Asi mudonditambira kunge ngirozi yaMwari, kunge ndanga ndiri Khirisitu Jesu pachake. 15 Chii chidoitika pakugutsikana kwamainzva? Ndava ndinokupupurirai kuti, dai maigona kuzviita dai mudototokonora meso yenyu muchindipasa. 16 Ko zvino ndava muvengi wenyu chere nondava yokukunyepai chokwadi?

17 Vanhu vakarevo vanonangidza kuva nochido chikuru naimimi, asi havanai chinangwa chidonaka. Chavanondoda kukuparadzanisai nainini, kuti muite shungu navo. 18 Zvidonaka kuita shungu, ndokunge dziri shungu dzozvidonaka, uye dzichigara dzidodaro, aikona pandinenge ndinemi basi. 19 Vana vangu vanodikana, ndinokudzimbiwa kwokuzvara kamu kusvikira Khirisitu waumbiwa mamuri. 20 Ndinosuva kuva pabodzi naimimi izvozvi kuti ndisandure manyairiro yangu. Ndava ndiri kushushikana nokuda kwenyu.

Muenzaniso waHaga naSara

21 Ndinyepei, imipa munoda kuva pasi pomutemo, munonzvaba zvinorehwa nomutemo nai? 22 Ndava kudonyohwa kuti Abhurahamu wanga ano vanakomana vairi, umwe womurandakadzi umwe womukadzi adosununguka. 23 Asi mwanakomana womuranda adozvariwa nonzira yonyama, mwanakomana womukadzi adosununguka adozvariwa zvichibva pachivimbiso. 24 Manje zvakarezvi husurudzira, vakadzi vairi vakareva zvibvumirano zviiri. Chimwe chinobva pagomo roSinai, ndiye mukadzi anozvara vana vouranda, ndiye Haga. 25 Zvino Haga anomirira Gomo roSinai riri muArabhiya, rinosuridzira guta roJerusarema razvino, riri pauranda novana varene vese. 26 Asi Jerusarema riri kumusoro ridosununguka, ndivo amai vedu. 27 Ndava zvidonyohwa kuti,

"Fara iwe ngomwa,

Iwepa usinai kudzimbiwa pakuzvara!

Ndava vana vaiye adosiiwa mbazinji

kukunda vaiye anomurume."

28 Zvino imimi, hama, kunge Isaki, muri vana vochivimbiso. 29 Asi sepanguwa iyoyo mwana adozvahwa nonzira yonyama adotambudza adozvariwa nosimba roMweya, ndizvo zvazviri zvino. 30 Asi gwaro rinoti chii? Rinoti, "Dzinga murandakadzi nomwanakomana wache, ndava mwanakomana womurandakadzi angajeba nhaka pabodzi nomwanakomana womukadzi adosununguka." 31 Saka, hama dzangu, hatisi vana vomurandakadzi asi vomukadzi adosununguka.

Veja também

Publicidade
Gálatas
Ver todos os capítulos de Gálatas
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-