Publicidade

Gálatas 3

Mutemo kana Kutenda

1 Naimi vaGaratiya madzemwa! Mbani adokurowai? Jesu Khirisitu wamudonangidziwa mumeso yenyu chaimo seadorovehwa pamuchinjikwa! 2 Ndinyepei, mudotambira Mweya kuburikidza nomabasa yomutemo chere, kana nokutenda zvamudonzva? 3 Mudodzemwaira zvidodai nai? Mudothanga noMweya, apa maakupedzisa nomiviri? 4 Anga kutambudzika kweseku mudokuitira mahara chere? Ndokunge yanga yari mahara! 5 Ko Mwari paanokupasai Mweya wache nokuita minana pakati penyu anozviita nomabasa yomutemo chere, kana nokutenda zvamudonzva?

6 Fungai zvaAbhurahamu, "Adotenda Mwari, kwaari zvikaverengewa kuti ndiko kururama kwache." 7 Saka munoona kuti vanhu vokutenda ndivo vana vaAbhurahamu. 8 Uye gwaro, nokuona zviri kumberi kuti Mwari acharuramisa vasiri vaJudha nokutenda, ridogara raparidza vhangeri kuna Abhurahamu, richiti, "Mauri marudzi yese yacharopafadziwa." 9 Saka, vanhu vokutenda vanoropafadziwa pabodzi naAbhurahamu wanga ano kutenda.

10 Ndava vese vanotsamira pamabasa yomutemo vari pakushurikidziwa, sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, "Adoshurikidziwa wese asingarambe achiita nokutetekera zvese zvidonyohwa mubhuku romutemo." 11 Saka zviri pachenu kuti pamberi paMwari, hapanai munhu anoruramisiwa nomutemo. Ndava "Uyo adorurama achararama nokutenda." 12 Asi mutemo haunei nokutenda, ndava gwaro rinoti, "Uyo anoita zvese zvinodiwa nomutemo achararamisiwa nazvo."

13 Khirisitu adotisunungura kubva pakushurikidza kwomutemo, nokutora nzvimbo yedu kwaadoita achiva chidoshurikidziwa ndava kudonyohwa kuti, "Wese anoturikiwa pamuti, adoshurikidziwa." 14 Khirisitu Jesu adoita zvakarezvi kuti ropafadzo ridovimbisiwa Abhurahamu rigone kuva rovasiri vaJudha, kuti kuburikidza nokutenda isisu tigone kutambira chivimbiso choMweya.

Mutemo noChivimbiso

15 Hama dzangu, regai ndipereke muenzaniso, sezvo pasinai anokwanisa kutadzisa kana kuingidzira chitsidzo chinenge chidoitiwa nomunhu chichibva chasimbisiwa, naipopa ndomwaigerire kamu. 16 Zvino Mwari adoita zvivimbiso kuna Abhurahamu nokumwana wache. Gwaro hariti, "Nokuvana," kureva vadowanda, asi, kumubodzi, "nokumwana wako," anova Khirisitu. 17 Zvandirikureva nzvokuti, mutemo, udodzouya mumasure momakore mazana manai yano makore makumi matatu, haungapfudze chibvumirano chagara chidomisiwa naMwari, kuti ushaise simba chivimbiso. 18 Ndava kana nhaka iri yomutemo, haichava yochivimbiso, manje Mwari adoipasa kuna Abhurahamu kuburikidza nochivimbiso.

19 Zvino mutemo udopasiwa nondava yei? Udodzoingidzihwa nondava yozvitadzo, kusvikira mwana wanga adonangiwa nochivimbiso wauya. Mutemo udopasiwa nongirozi kuvanhu vanga vari vamiririri. 20 Kuti vamiririri zvinoreva vadowanda, manje Mwari mubodzi.

Chinangwa choMutemo

21 Anga zvino iwo mutemo unohwisa zvivimbiso zvaMwari nai? Nenene ndizvoba! Ndava kana mutemo udotambihwa waikwanisa kupasa upenyu, kureva kuti pachokwadi kururamisiwa kwaikwanisawo kuuya nomutemo. 22 Asi gwaro rinoti nyika yese iri pasi posimba rochitadzo, kuti chipo chidovimbisiwa kuburikidza nokutenda muna Jesu Khirisitu chipasiwe vanotenda.

23 Asi kutenda kusinati kwauya, tanga tidozaririhwa pasi pomutemo, tiri pausungwa kusvikira kutenda kwaidzouya kwanangidziwa. 24 Nokudaro mutemo wanga uri muchengetedzi wedu kusvikira pakuuya kwaKhirisitu, kuti tiruramisiwe nokutenda. 25 Asi zvino nokuti kutenda kudouya, hatisisiri pasi pomuchengeti.

26 Nokudaro muna Khirisitu Jesu mese muri vana vaMwari, kuburikidza nokutenda, 27 nokuti mese pakati penyu vadoombekewa muna Khirisitu mudosimira Khirisitu. 28 Hapachinai muJudha kana muGiriki, hapachinai muranda kana adosununguka, hapachinai munhurume kana munhukadzi. Ndava mese muri mubodzi muna Khirisitu Jesu. 29 Zvino kana muri vache Khirisitu, muri budzi raAbhurahamu, vaji vonhaka maererano nochivimbiso.

Veja também

Publicidade
Gálatas
Ver todos os capítulos de Gálatas
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-