Publicidade

Gálatas 1

1 Phauro Nhumwa, isinai kubva kuvanhu kana kuburikidza nomunhu, asi kuburikidza naJesu Khirisitu naMwari Baba, vadomumutsa kuvadopfa, 2 nohama dzese dzandinadzo kukherekhe dzokuno kuGaratiya,

3 Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba naIshe wedu Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.

4 Nokuda kuti atisunungure kubva kuvanhu vazvino vadoipa, iye adozvipereka nokuda kwozvitema zvedu, zviri maererano nokuda kwaMwari naBaba wedu. 5 Kwaari mbakuve nokubhwinya nokusingaperepere. Ameni.

Vhangeri Ribodzi

6 Ndinoshamisiwa kuti munokurumidza kusiya iye adokudaidzai mumutsa waKirisitu muchipindukira kurimwe vhangeri, 7 kusiri kuti kuno "rimwe vhangeri," asi kuti panovamwe vanokuvhiringidzai vachida kuedza kusandutsa vhangeri raKhirisitu. 8 Asi kana isisu, kana ngirozi inobva kudenga ikakuparidzirai rimwe vhangeri rinopesana noratidokuparidzirai, mbaive idoshurikidziwa! 9 Sekunyaira kwatidoita kare, kana ipopa ndinonyaira kamu: kana panoumwe ari kukuparidzirai vhangeri rinopesana noiro ramudotambira, mbaave adorengerehwa!

10 Anga ipopa ndiri kutsvaga kutambirika novanhu chere, kana naMwari? Kana pamwe ndiri kuedza kufadza vanhu? Dai ndichiri kuedza kufadza vanhu, ndaivaba muranda waKirisitu.

Nzira Phauro Yaadova Nayo Nhumwa

11 Hama dzangu ndinoda kuti muzive, kuti vhangeri randidoparidza harinai kubva kumunhu. 12 Ndava handinai kuritambira kubva kumunhu, kana kuridzidzisiwa, asi ridouya kuburikidza nokuzururihwa kudobva kuna Jesu Khirisitu.

13 Ndava mudonzva muraramiro wangu wokare muchiJudha, kutambudza kudokungudza kwandaiita kherekhe yaMwari ndichiedza kuiparadza. 14 Uye muchiJudha ndanga ndidopindiridzitsa kukunda vozera rangu pakati povanhu vangu, zvokuti ndaiva noshungu dzidonyanyitsa patsika dzomadzibaba yangu.

15 Asi iye Mwari adondikamura ndisati ndazvahwa nokundidaidza mumutsa wache adofara 16 kuti andiisire pachenu Mwanakomana wache, kuitira kuti ndimuparidze pakati povasiri vaJudha, handinai kutsvaga nzeru kubva kumunhu upi zvache, 17 kana kuenda kuJerusarema kuno avo vadondithangira kuva nhumwa, asi ndidoenda kuArabhiya, pasure ndidodzokera kuDhamasiko. 18 Kwapera makore matatu ndipo pandidoenda kuJerusarema kobvakachira Kefasi kuti ndimuzive, ndokugara naye mazuva gumi nomashano. 19 Asi handinai kuona imwe nhumwa kusiya kwaJakobho munin'ina waIshe.

20 Ndiri kukunyorerai chokwadi pamberi paMwari, hayasi mabhwodo!

21 Pasure ndidoenda kumatunhu yoSiriya noSirisiya. 22 Uye ndanga ndisinati ndazikana chiso nokherekhe dzaKhirisitu dzomuJudhiya, 23 vaindonzva zvichinzi, "Munhu waimbotitambudza uye, iyezvino wava kuparidza kutenda kwaaiedza kuparadza." 24 Vadobva vakudza Mwari nokuda kwangu.

Veja também

Publicidade
Gálatas
Ver todos os capítulos de Gálatas
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-