1 Iyi ndiyo nguwa yochitatu yandiri kuuya kwamuri. Nyaya yese inofanira kusimbisiwa nozvapupu zviiri kana zvitatu. 2 Ndidoyambira avo vadotadza kare novamwe vese, uye ndinovayambira izvozvino ndisipo dai, kunge zvandidoita ndichiripo pahwendo hwangu hwochipiri, kuti ndikadzouya kamu handisi kuvavharidzira, 3 sezvo murikuda umboo hwokuti Khirisitu ari kutaura mandiri. Adovhuwaba pakubata nemi, asi ano simba mamuri. 4 Ndava nokuvhuwa adorovehwa pamuchinjikwa, asi mupenyu kuburikidza nosimba raMwari. Ndava tidovhuwa maari, asi pakubata nemi tichararama naye nosimba raMwari.
5 Zvipasei bvunzo mega, kuti muone kana mudobatirira pakutenda kwenyu. Zviedzei mega. Munonzvitsitsaba kuti Jesu Khirisitu ari mamuri? Kunze kwokunge mudotadzirira bvunzo! 6 Ndinogurupira kuti muchaona kuti hatinai kukundikana. 7 Asi tinonamata Mwari kuti mureke kuita zvidoipa aikona kuti tioneke kunge tidogona asi kuti muite zvidonaka, kana nepo tichiita kunge tidokundikana. 8 Ndava hapanai chatingaite chinopesana nochokwadi, asi chinotsigira chokwadi basi. 9 Ndava tinofara kana tidovhuwa imi mudosimba. Chatinonamatira ndochokuti mukwanisiwe. 10 Ndinonyora izvi ndisipo kwamuri, kuitira kuti pandinouya ndirege kuita zvoukari pakushandisa simba rangu randidopasiwa naIshe kuvaka aikona kukoromora.
11 Pakupedzisira, hama, ndinoti chisarai. Kohororai nzira dzenyu, inzvai chikumbiro changu, bvumiranai, garisanai murunyararo, Mwari worudo norunyararo mbaave nemi.
12 Moresanai nokutsvodana kutsvene. 13 Vatsvene vese vari kukumoresai.
14 Mutsa dzaIshe Jesu Khirisitu norudo raMwari nokuwadzana kwoMweya Mutsvene mbazvive nemi mese.