Publicidade

2 Coríntios 3

Varanda voChibvumirano Chitsva

1 Tiri kuthangisa kamu kuzvipupurira chere? Kana kuti tinoda, sezvinoita vamwe, tsamba dzokupupurira dzinouya kwamuri kana dzinobva kwamuri? 2 Imipa pachenyu ndimi tsamba yedu idonyohwa mumwoyo medu, inozikana nokuverengewa novanhu vese. 3 Munonangidza kuti muri tsamba inobva kuna Khirisitu idosvitsiwa nesu, isinai kunyorewa noingi asi noMweya waMwari mupenyu, aikona pamahwendefa yomabhwe asi pamahwendefa yomwoyo yovanhu.

4 Chakarecho ndicho chivimbo chatinacho kuna Mwari. 5 Hakusi kuti isisu pachedu tidokodzera kuti tive nochatingaite, asi kukodzera kwedu kunobva kuna Mwari, 6 iye adotikwanisa kuti tive vashumiri vochibvumirano chitsva, chisiri chomutemo udonyohwa asi choMweya, ndava mutemo udonyohwa unobaya, asi Mweya unopasa upenyu.

7 Zvino kana ushumiri hudouyisa ipfa, hwomabhii yadotemewa pamabhwe, hudouya nokubhwinya, zvokuti vaIzirairi vadotadzirira kunangara chiso chaMozisi kana nepo kuyetima kwacho kwaidzopera, 8 ko ushumiri hwoMweya hungaveba nokuyetima kukuru nai? 9 Ndava kana ushumiri hunouyisa mhosva huchiyetima, ko kuyetima kwoushumiri hunouyisa kururama kudokungudzitsaba? 10 Ndava icho chaiyetima chatsinzinirafuti nondava yokuyetima kunochikunda. 11 Ndava kana chaipfuruka chidouya nokuyetima, chisingapfuruke chinofanira kuva nokuyetima kudonyanyitsa.

12 Sezvo tino tariro idodai, tinokushinga kudosimba. 13 Hatinai kuita kunge Mozisi, waiisa jira pachiso chache kuti vaIzirairi vareke kuona magumo yokuyetima kwaipera. 14 Asi pfungwa dzavo dzidogomhara, kusvikira nasi, kana vachiverenga chibvumirano chakare jira ribodzi bodziro harinai kukunduhwa, ndava muna Khirisitu chete ndimo marinobisiwa. 15 Inde, kusvika nasi pese panoverengewa Mozisi jira ridondofuka pfungwa dzavo, 16 asi kana munhu watendeukira kuna Ishe jira rinobisiwa. 17 Zvino Ishe Mweya, uye pano Mweya waIshe pano kusungunuka. 18 Uye tese, nozviso zvisinai kufugiwa, tinonangidza kubhwinya kunobva kuna Ishe anova Mweya, anotisandura kuti tifanane nomufananidzo wache tobva panokumwe kubhwinya tichipinda pano kumwe, zvichibva kunaIshe anova Mweya.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-