Publicidade

2 Coríntios 12

Chiono noKuzururihwa kwaPhauro

1 Ndinofanira kuzvirumbidza, kana pasinai chazvinowanisa, ndichaenda mberi nokubata zviratidzo nozvidozaruhwa zvaIshe. 2 Ndinoziva munhu muna Khirisitu uyo makore gumi nomanai adobvutiwa achikwidziwa kudenga rochitatu - kuti wanga ari mumuviri kana kunze kwomuviri ndinozivaba, Mwari anoziva. 3 Ndinoziva kuti munhu wakareyu - zvokuti wanga ari mumuviri kana kunze kwomuviri ndinozivaba, Mwari anoziva - 4 iyeyu adobvutiwa achiendesewa muPharadhaisi ndokunzva zvinhu zvisinganyairike, zvisinai kubvumihwa kuti munhu azvinyaire - 5 Pamusoro pomunhu wakareyu ndinozvirumbidza, asi inini pachangu ndinozvirumbidzaba, kunze kwokuvhuwa kwangu. 6 Kana ndikada kuzvirumbidza, ndingaveba dzemwa, ndava ndinenge ndichitaura chokwadi. Asi ndichasiyana nazvo, kuti pareke kuva noanofunga zvidopindiridza pamusoro pangu kukunda zvaanoona kana kunzva kubva kwandiri.

7 Kuti kuwanda kwozvidozaruhwa kureke kundisasura ndichizvikudza, ndidopasiwa munzva mumuiri wangu, nhume yaSathani, kuti indipfuwise, ndireke kusasuka. 8 Katatu kese ndidokumbira Ishe pamusoro pozvakarezvi, kuti zvibirike kwandiri, 9 asi adoti kwandiri, "Mutsa dzangu dzidokukwanira, ndava mukuvhuwamo masimba yangu ndimo mayanokwanisiwa." Ndichatoingidzira kuzvirumbidza nokuvhuwa kwangu, kuti simba raKhirisitu rigare mandiri. 10 Nondava yaKhirisitu, ndinofarira kuvhuwako ndipo, kubatiwa uyanga, nhamu, kutambudziwa, nonyatwa, ndava pandinenge ndidovhuwa, ndipo pandinenge ndidosimba.

Hanya yaPhauro kuvaKorinde

11 Ndiri kuita kunge dzemwa asi ndimi mudondimanikidza kudaro! Ndaifanira kupupurihwa naimimi. Ndava handisi mudiki kunhumwa vakuru, kana zvangu ndisiri chinhu. 12 Zviratidzo zvokuva nhumwa dzochokwadi zvidoitiwa pakati penyu nomwoyo murefu udonyanyitsa, pazviratidzo nozvishamiso nominana. 13 Ndava chii chidoitihwa dzimwe kherekhe chamusinai kuitihwa, kunze kwokuti inini pachangu handinai kukuremedzai? Ndiregererei uyanga hwakarehwo!

14 Zvino ndidogadzirira kuuya kwamuri kochitatu, ndisiri mutoro kwamuri, ndava ndinodaba zvinhu zvenyu, asi ndinoda imimi. Pamusoro pozvese mbanaba vanofanira kuchengeta vabereki vavo, asi kuti vabereki ndivo vanochengeta vana. 15 Saka ndichafarira kuparadza zvandinazvo kana kutopedzewa inini wacho nokuda kwomweya yenyu. Manje kana ndichikuditsai, inini ndini ndodiwa pashoma nai? 16 Asi sezvazviri kuti handinai kukuremedzai, munoti ndanga ndidochenjera, zvokuti ndidokubatai nomambere. 17 Ndinganzi ndidokubatai nomambere chere ndichikubiridzirai kuburikidza novandidotuma kwamuri! 18 Ndidokumbira Tito kuuya kwamuri uye ndidomutuma pabodzi nohama. Ko Tito adokuitai dzawira mutsvanda chere? Hatinai nai kuita nomweya mubodzi bodziyo? Hatinai kutora matanho mabodzi bodziyo?

19 Pesepa manga muchifunga chere kuti tanga tichizvidairira kwamuri? Panga pari pamberi paMwari pataitaura tiri muna Khirisitu, kuitira kukuvakhai, vadikani. 20 Ndava ndinocha kuti kabanga ndingauye ndikakuwanai musiri zvandinoda, nemiwo muchindiwana ndisiri zvamunoda, pachidzova nobopoto, chanje, ukari, makundano, kunyombana, makuhwa, kunyegera, nokupandukirana. 21 Ndinocha kuti pandinouya kamu Mwari wangu angandinyadzise pamberi penyu, ndichidzorira vazinji vadotadza kare vachireka kupinduka patsambwa, paupombwe nokumbondoita utsambwa hwopabonde.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-