Publicidade

2 Coríntios 9

Ruyamuro kuVatendi Varombo

1 Zvino kana uri mupiro kuvatsvene ndingakunyorereiba pamusoro pozvakarezvo, 2 Ndava ndinoziva kugadzirira kwenyu, kwandinodada nako kukherekhe dzokuMesodhoniya, ndichivanyepa kuti imimi vokuAkaya manga mudotogadzirira kubva pagore ridopera, uye shungu dzenyu dzokupa dzidomutsa vazinji vavo. 3 Asi ndiri kutumira hama kuitira kuti kudada kwedu nemi kurege kusaya basa, asi muve vadogadzirira, sezvandidoreva kuti muchaita. 4 Mbazvireke kudzoti kana ndauya novokuMesodhoniya ndowana musinai kugadzirira, tireke kunyara nokusaya chokureva pamusoro penyu isu tanga tino chivimbo. 5 Saka ndidoona zvidokodzera kugara ndakumbira hama kuti dzindithangire kuuya kwamuri, kuti pagare pava nourongwa hwochivimbiso chamudoita, kuti chigadzirihwe sechipo, kusiri kupa kwokusukumidziwa asi kupa nochido.

6 Yeukai kuti: adojara zvishoma anokohwawo zvishoma, noadojara zvizinji anokohwawo zvizinji. 7 Munhu wese mbaape sezvaadofunga mumwoyo mache, asingazvije mwoyo kana kusukumidziwa, ndava Mwari anoda anopereka nomufaro. 8 Uye Mwari anogona kukupasai ropafadzo rese ridowanda, kuti pazvinhu zvese nopanguwa dzese muve nozvidokwana zvichiwanziwa pakuita basa rese ridonaka. 9 Semanyorehwo yazvidoitiwa,

"Iye adoparadzira zvipo zvache kuvarombo,

kururama kwache kunogara nokusingapere."

10 Iye anopasa mujari mbeu nozingwa kuti chive chokuja achakupasai mbeu nokuingidzira goho renyu nondava yokuita kwenyu zvidorurama. 11 Muchapfumisiwa pazvese kuti mumbogara muchipereka, kuti kuburikidza nomatiri kupereka kwenyu kuvikire Mwari nhendo.

12 ndava kuitiwa kwoushumiri hwakarehu hworuyamuro kunopereraba pakundozazisa kusaya kwovatsvene asiwo kunopfachukira nonhendo dzizinji kuna Mwari. 13 Nondava youchapupu hunonangidziwa noushumiri hwakarehu, Mwari acharumbidziwa nokuteerera kwenyu kwopupura vhangeri raKhirisitu, uye nokupa kwenyu zvidowanda kwavari novamwe vese, 14 pavanenge vachikusuvai nokukunamatirai, nondava yokushamisa kwonyasha dzinoshamisa dzamunadzo muna Mwari. 15 Mwari mbaatendewe nokuda kwochipo chache chisingatsanangurike!

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-