Publicidade

2 Coríntios 5

1 Ndava tinoziva kuti kana dumba unova muviri wopanyika watidogara mauri kana waparadziwa, tino chivakwa chinobva kuna Mwari, imba yokusingapere kudenga, isinai kuitiwa nomanja yovanhu. 2 Parizvino tiri mudumba rino tinotsinda, tichisuva kusimidziwa musha wokudenga, 3 kuti tikasimidziwa nawo tireke kudzowanika tiri pedzi. 4 Ndava tichiri mumba rino, tinotsinda nokuremehwa, ndava hatidi kuti tisunhuriwe, asi kuti tisimidziwe nomuviri wokudenga, kuitira kuti chinopfa chimedzewe noupenyu. 5 Mwari ndiye adotinhadzirira chinhu chakarechi, nokutipasa Mweya sechibatiso.

6 Saka nguwa dzese tino kurudziro idozara, tichiziva kuti patinenge tichiri mumba imo mumuviri hatisi kuna Ishe, 7 ndava tinotekaira nokutenda, aikona nokuona. 8 Tino kurudziro idozara, tinotoda kubirika mumuviri kuti tive kumusha naIshe. 9 Saka chinotova chinangwa chedu kuti timufadze zvisinei kuti tiri mumba mumuviri kana kuti tabirika makaremo. 10 Ndava tese tinofanira kuratidziwa pamberi pochigaro chaKhirisitu chokutonga, kuti umwe noumwe atambire zvaadoita achiri mumuviri zvingave zvidonaka kana zvidoipa.

Ukama naMwari Kuburikidza naKhirisitu

11 Sezvo, tichiziva kuti kucha Ishe kuita tini, tinoedza kupenzveredza vanhu, asi zvatiri zvinozikana naMwari, futi ndinovimba kuti zvinozikanawo nohana dzenyu. 12 Hatisi kuzvipupurira kamu kwamuri asi tiri kukupasai mukana wokuti mudade nesu, kuti mugone kupindura avo vanodada nozvinooneka vasingadade nozvavari mumwoyo. 13 Ndava kana tichipenga, nzvaMwari, kana tisingapenge, nzvenyu. 14 Ndava rudo raKhirisitu rinotisukumidza, ndava tinotendesewa kuti mubodzi adopfira vese, saka vese vadopfa. 15 Uye adopfira vese, kuti vanorarama vareke kudzozviraramira asi vararamire iye adopfa nokuda kwavo achibva wamutsiwa kamu.

16 Kubva zvino, nokudaro hatichaona munhu nomaonero yonyika, kana zvedu taimboona Khirisitu nomaonero yonyika, hatichamuona daro. 17 Saka kana munhu wava muna Khirisitu, wava chisikwa chitsva, zvokare zvapfuura, chokwadi, zvitsva zvauya. 18 Zvese izvi zvinobva kuna Mwari, uyo adotiyananisa kwaari kuburikidza naKhirisitu achibva watipasa ushumiri hwokuyananisa, 19 ndiko kuti, muna Khirisitu Mwari wanga achiyananisa nyika naiye, asingaverengere vanhu kutadza kwavo. Achibva watituma noshoko rokuyananisa. 20 Saka tiri vamiririri vaKhirisitu, Mwari searikupereka chikumbiro chache kuburikidza naisisu. Tinokukumbirai nokuda kwaKhirisitu, kuti yananisiwai naMwari. 21 Mwari adoita kuti uyo wanga asinai chitadzo ave chitadzo nondava yedu, kuti maari tive kururama kwaMwari.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_10-32-54-