Publicidade

2 Coríntios 8

Kupa kwomaKhirisitu

1 Tinoda kuti muzive, hama, pamusoro ponyasha dzaMwari dzidonangidziwa mukherekhe dzokuMesodhoniya. 2 Nokuti mukutambudzika kwavo kukuru, vadopfachukira nomufaro uye muurombo hwavo hukuru vadozara nopfuma yokupereka zvidosununguka. 3 Nokuti nainini ndinovapupurira kuti vadopereka zvinoenderana nokugona kwavo, vachitopindiridza pavaigona pacho, 4 vadototikumbiritsa kuti tivapase mukana wokuva nochikamu chokushumira vatsvene. 5 Futi havanai kundoita zvataivatarisira, asi chokuthanga vadozvipereka ivo pachavo kuna Ishe nokwatiri zviri mukuda kwaMwari. 6 Nokudaro tidokumbiritsa Tito kuti sezvaanga wathanga kare, mbaachipedzisawo basa ronyasha iri pakati penyu. 7 Asi sezvamunogona pazvinhu zvese pakutenda, pakunyaira, pakuziva pakuzvipira noparudo renyu kwatiri onai kuti mapawo pabasa iri ronyasha.

8 handitaure izvi semurairo, asi kuti paoneke chokwadi chorudo rokuzvipira kwenyu ruchienzanisiwa norovamwe. 9 Ndava munoziva mutsa dzaIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti zvache wanga adopfuma, asi nondava yenyu vadova murombo, kuti nourombo hwache muve vadopfuma.

10 Uye pachinhu ichi zano rangu randinopereka ndokuti: zvidonakitsa kwamuri kuti mupedzise zvamudothanga gore rapera aikona kundoita basi asi kuva nochido chokuita. 11 Asi zvino pedzisai zvamudothanga kuita, kuti shungu dzenyu dzokuda kuzviita dzienderane nokupedza kwenyu, zvichienderanawo nokukwanisa kwenyu kupereka. 12 Ndava kana chido chiripo, chipo chinotambirika zvichienderana nozvinhu zvinomunhu, aikona maererano nozvaasinai.

13 Handireve kuti vamwe vanofanira kurerukihwa imipa muchiremehwa. 14 Asi kuti kuwana kwenyu kuyamure kusaya kwavo, nokuwana kwavo kuyamure kusaya kwenyu, kuti pave nokuenzana. 15 Sekunyohwa kwazvidoitiwa, "Uyo adounganidza zvizinji haanai chidosara, noadounganidza zvishoma hapanai chaadosaya."

Tito naAbiyache

16 Mwari mbaatendewe adoisa mumwoyo waTito wokukuitirai hanya seyandinayo kwamuri. 17 Ndava Tito haanai kundotambira chikumbiro chedu basi, asi nochido chikuru iye pachake ari kuzvipira kuuya kwamuri. 18 pabodzi naiye tiri kutumira hama inozikana maninge pakati pokherekhe dzese nondava yokuparidza kwache vhangeri, 19 aikona zvakarezvo basi, asi adosarudziwa nomakherekhe kuti afambe nesu pakutakura zvipo kwatiri kuitira kukudziwa kwaIshe pachake nokunangidza chido chedu chokubatsira. 20 Tinoda kuti pasaye anotipasa mhosva pamusoro pomafambisiro yatinoita kupa uku kudosununguka. 21 ndava tidonanga kuita zvidonaka aikona pameso yaIshe chete asiwo nopameso yovanhu.

22 Pabodzi naivo tiri kutumira hama yedu watidoedza kazinji tikawana kuti adozvimisira nonzira dzizinji, iye manje watoingidzika pazviri nondava yochivimbo chikuru chaanacho mamuri. 23 Kana ari Tito, mabiyangu futi mushandibiyangu pakukushumirai, kana dziri hama dzedu, vamiririri vomakherekhe, mbiri mbaive yaKhirisitu. 24 Nokudaro nangidzai vanhu ava chiratidzo chorudo pamberi pomakherekhe kuti vanhu vaone chikonzero chokudada kwedu nemi.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_09-43-29-