Publicidade

2 Coríntios 10

Phauro Anovharidzira Ushumiri Hwache

1 Inipano Phauro pachangu, ndinokukumbiritsai, nounyoro nokupfava kwaKhirisitu, wakareni adoreruka kana ndidonangarana naimimi, asi ndidoshinga kwamuri kana ndisipo! 2 Ndinokukumbirai kuti kana ndavapo ndireke kudzoita ushingi hwandinovimba kuti ndichanangidza vamwe vanotiona setinoita nomutoo wonyika. 3 Ndava kunyange tichirarama munyika tinohwaba hondo yonyika, 4 ndava zvombo zvohondo yedu nzvonyikaba asi nzvomasimba youmwari yanoparadza nzvimbo dzomasimba yovavengi nonharo dzomabhwodo, 5 tinokoromorera pasi mhoka nokuva nomutindi kwese zvinopesana nokuziva Mwari, tichitapa mufungo wese nokuuisa pakuteerera Khirisitu, 6 tidozvigadzirira kuranga kusateerera kwese, kana kuteerera kwenyu kuchinge kwakwaniswa.

7 Nangarai zviri pamberi pomaziso yenyu. Kana pano munhu ano chokwadi kuti ngwaKhirisitu, kana naisisuwo. 8 Ndava kana zvazvene ndichizvirumbidza pashoma pamusoro poukuru hwedu, hwatidopasiwa naIshe kuti tikuvakhei aikona kukukoromorai, ndinonyadzisiwaba. 9 Ndinodaba kuita kunge ndiri kukuchichidzirai nomatsamba yangu. 10 Ndava vanoti, "Matsamba yache yano chiremera futi yano simba, asi paunhu hwache adoneta, nokunyaira kwache kudotonhora. 11 Vanhu vakarevo mbavanzvitsitse kuti zvatinonyaira nomatsamba tisipo, ndozvatinoita tiripo.

12 Zvisiri zvokuti tinotsvaga kuzvibatanidza kana kuzvienzanisa novamwe vanozvirumbidza vega. Asi kana vachizvipima pachavo, nokuzvienzanisa pachavo, varikuita zvidopusa. 13 Asi tinozvirumbidzaba zvidopindiridza, asi tichaganhurira patidotemehwa naMwari, kuti tisvike kwamuri. 14 Ndava tinopindiridzaba kuzvitambanudza, kunge tisati tasvika kwamuri, ndava nhisu vokuthanga kuuya kwamuri novhangeri raKhirisitu. 15 Tinozvirumbidzaba zvokupindiridza mugano, pamusoro pobasa ridoitiwa novamwe; asi kugurupira kwedu mhwokuti kutenda kwedu kuingidzike, nzvimbo yedu pakati penyu iingidzike zvidonyanya. 16 Kuitira kuti tiparidze vhangeri munyika dziri kumberi kwenyu, tisingazvirumbidze nobasa ridoitiwa kare kudzimwe nzvimbo. 17 "Anozvirumbidza, mbaazvirumbidze muna Ishe." 18 Ndava anozvipfakazira ndiyeba anotambihwa, asi anotambihwa nguye anopfakazihwa naIshe,

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-