1 Ndava ndidoita pfungwa yokuti ndireke kuita kumwe kukubvakachirai kunokusuwisai. 2 Ndava kana ndikakusuwisai, mbani achandipasa mufaro, kunze kwowakareyo wandasuwisa? 3 Uye ndidonyora daipo, kuitira kuti kana ndauya ndireke kusuwisiwa naivo vanofanira kundifadza, ndava ndinochokwadi nemi mese, kuti mufaro wangu uchava mufaro wenyu mese. 4 Ndava ndidokunyorerai ndiri pakutambudzika kukuru nokunetseka kwomwoyo nomisodzi mizinji, zvisiri zvokukudzimbai asi kuti muzive kukura kworudo randinaro kwamuri.
5 Asi kana pano adokonzera mahwadzo, adodzimbaba inini pasinai kuingidzira asi kutoti adodzimba imimi mese. 6 Kumunhu adodaiyu kuranga ikoku kworuzinji kudokwana, 7 saka munotofanira kuchimuregerera momunyaradza, kuti areke kusuwa zvokutoora mwoyo. 8 Nokudaro ndinokumbira kuti musimbise kamu rudo renyu kwaari. 9 Ndava chakarechi ndochikonzero chandidonyorera, kuti ndikuedzei ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvese. 10 Wese wamunoregerera, neniwo ndinomuregerera. Zvandidoregerera, kana pano chaida kuregerehwa, ndidoregerera pamberi paKhirisitu nondava yenyu, 11 kuti Sathani areke kuva nochaanowana patiri, ndava tinoziva mambere yache.
12 Pandidouya kuTiroasi koparidza vhangeri raKhirisitu, ndichiwana Ishe vadondizururira musuwo, 13 handinai kudekharika mupfungwa ndava kwakareko handinai kuwana hama yangu Tito. Saka ndidovagoneka ndichienda kuMesodhoniya.
14 Asi Mwari mbaatendewe, iye anogara achititungamira mukukunda muna Khirisitu, uye kuburikidza naisisu anoparadzira kwese kwese hwema hwokumuziva. 15 Ndava kuna Mwari tiri hwema hudonaka hwaKhirisitu kuna ivo vari kuponesewa nokuno avo vari kuparara, 16 kuno umwe tiri hwema hwoipfa, kuno umwe tiri hwema hwoupenyu. Mbani anokwanisa basa ridodai? 17 Ndava tidosiyana novazinji, vanopfuma noshoko raMwari, asi nokuti Mwari adotituma tinotaura zvidoperera pamberi pache sevaranda vaKhirisitu.