Publicidade

2 Coríntios 1

1 Inini Phauro nhumwa waKhirisitu Jesu nokuda kwaMwari, naTimoti hama yedu.

Ndiri kunyora kukherekhe yaMwari iri muguta roKorinde, novatsvene vese vari mudunhu rese roAkaya.

2 Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu naIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.

Phauro Anotenda Mwari

3 Kurumbidziwa mbakuve kuna Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Khirisitu, Baba votsitsi naMwari vanopasa kunyaradza kwese, 4 anotinyaradza mukutambura kwedu kwese, kuitira kuti tikwanise kunyaradza avo vari pakutambura kupi nokupi, nokunyaradza kwatinonyaradziwa nako isisu naMwari. 5 Kuwanda kwokutambudzikira Khirisitu, ndokuwandawo kunoita kunyaradziwa kwedu kuchiuya kuburikidza naKhirisitu. 6 Kana tichitambudzika, zvinoitihwa kunyaradziwa noruponeso renyu, uye kana tichinyaradziwa, zvinoitihwa kunyaradziwa kwenyu, kunobereka mamuri kuchiirira nomwoyo murefu pamatambudziko mabodzi bodzi yatinoita. 7 Tariro yedu kwamuri haigwetedzeke, ndava tinoziva kuti pamunokovehwa mumatambudziko yedu, muchakovehwawo kunyaradziwa kwedu.

8 Ndava tinodaba kuti musaye kuziva, hama, pamusoro pokutambudzika kwatidoita muEzhiya, ndava tanga tiri pakusvanikiwa kukuru, zvokuti taikwanisaba kuchiirira kana nopadiki pese, tanga toona kunge upenyu hwatopera. 9 Zvokuti, tidonzva kunge tapasiwa mutongo woipfa. Asi izvi zvidoitika kuti tireke kuzvivimba asi tivimbe naMwari anomutsa vadopfa, 10 adotinunura kubva panjodzi yoipfa idonyangaritsa, uye achatinunura. Paari tidoisa kugurupira kwedu kuti acharamba achimbondotinunura, 11 sezvamunotibatsira nominamato yenyu. Ipopo vazinji vanodzopereka kutenda panzvimbo yedu pamaropafadzo yatinopasiwa mumhinduro yominamato yovazinji.

Phauro Anosandura Urongwa Hwache

12 Tinodada kuti hana yedu inotipupurira kuti tidorarama zvobuya munyika, kunyanyitsa paukama hwedu nemi, hunotongewa noutsvene nokuperera zvichibva pasimba ronyasha dzaMwari aikona nouchenjeri hwonyika. 13 Ndava tinokunyoreraiba zvinhu zvamusingakwanise kuverenga kana kunzvitsitsa. Uye ndinogurupira zvakarezvo, 14 sezvamudotinzvitsitsa pashoma, muchanzvitsitsa zvidozara kuti munogona kudada naisisu sezvatichaita naimipa, pazuva raIshe Jesu.

15 Ndava ndanga ndino chokwadi nozvakarezvi, ndaida kuthanga ndauya kwamuri, kuitira kuti muwane mubatsirike kairi. 16 Ndaida kuti ndikubvakachirei ndichienda kuMesodhoniya, ndozodzoka nokwamuri pakubva Mesodhoniya modzondibatsira pahwendo hwangu kuJudhiya. 17 Pandidoronga zvakarezvi, yanga yari manyemwe chere? Kana kuti ndinoita urongwa hwangu nonzira yonyika, ndidoteya kuti, "Inde" na "Neye" panguwa ibodzibodziyo? 18 Sekuvimbika kudoita Mwari, shoko redu kwamuri harisi "Inde" na "Neye," 19 ndava Mwanakomana waMwari, Jesu Khirisitu, adoparidziwa pakati penyu, nainini naSirivhanasi naTimoti, anga asiri "Inde" na "Neye," asi maari anondova "Inde" pesepa. 20 Ndava hazvinei nokuwanda kwozvivimbiso zvidoitiwa naMwari, zvinondova "Inde." Saka kuburikidza naKhirisitu tinoti, "Ameni" tichipasa mbiri kuna Mwari. 21 Mwari ndiye anotisimbisa isisu naimimi muna Khirisitu. Adotisarura, 22 nokuisa chisimbiso chache patiri chokunangidza kuti tiri vache adotipasa Mweya wache mumwoyo yedu sechibatiso chozvinhu zvichauya.

23 Ndinototi Mwari ndiye pfakazi yangu pakurekera kuuya kuKorinde kwandidoita, ndidoisa upenyu hwangu panjodzi, kwaiva kukuitirai tsitsi. 24 Aikona kukutongerai pakutenda kwenyu, asi tinoshanda nemi kuitira mufaro wenyu, ndava munomira zvidosimba pakutenda kwenyu.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-