Publicidade

1 Coríntios 16

Zvipo Zvovatendi Vanosaya

1 Zvino pamusoro pokuunganidzira vatsvene, itai sezvandidoraira kukherekhe dzopaGaratiya. 2 Pazuva rokuthanga kwosondo rimwe norimwe, umwe noumwe wenyu mbaaise imwe mari padivi maererano nomawaniro yache, moichengeta, kuitira kuti pandinouya parege kudzova nokuunganidza kunodzoitiwa. 3 Uye pandinosvika, ndichatuma nomatsamba avo vamunopupurira kuti vaendese chipo chenyu kuJerusarema. 4 Kana zvidofanira kuti inini ndiendewo, vachabatana nainini.

Urongwa hwaPhauro

5 Ndichauya kwamuri musure mokupinda nomuMesodhoniya, ndava ndichapinda nomuMesodhoniya, 6 pamwe ndichagara nemi kwonguwa, kana kutosvika pakupera kwochando, kuitira kuti mundibatsire pahwendo hwangu, kwese kwandichaenda. 7 Ndava handidi kukuonai zvino zvomapinda nzira, ndinotarisira kupedza nguwa naimimi, kana Ishe vatendera.

8 Asi ndichagara paEfeso kusvika paPendekositi, 9 ndava musuwo mukuru wokuita basa udondizurukira, uye vanopikisana neni mbazinji

10 Kana Timoti wauya, ivai nochokwadi kuti anenge asinai chaanocha pakati penyu, ndava ari kuita basa raIshe, kunge inini. 11 Saka hapanai anofanira kumuzvidza. Asi muendesei panzira yache norugare, kuti adzoke kwandiri, ndava ndiri kumutarisira pabodzi nohama.

12 Kana iri hama yedu Aporo, ndinomukumbira chaizvo kuti auye kwamuri nodzimwe hama, wanga asingade kuti auye manje. Asi achauya kana wawana mukana.

Mazvi yoKupedzisira

13 Chenjerai, mumire mudosimba pakutenda, ivai vanhu vadoshinga, ivai nosimba. 14 Zvese zvamunoita mbazviitiwe murudo.

15 Munoziva kuti voimba yaSitefanasi ndivo vaiva vatendi vokuthanga muAkaya, uye vadozvimisira kushumira vatsvene. Ndinokukumbirai, hama, 16 kuti muzviise pasi povanhu vadodaiva nouyo wese anopinda mubasa iri nokushanda pariri.

17 Ndinofara nokuuya kwaSitefanasi naFotunatusi naAkaikasi, ndava vadopereka zvidosaika kubva kwamuri pamanga musipo, 18 nokuti vadomutsiridza mweya wangu nowenyu. Vanhu vadodarovo mbovaremekedzai.

19 Kherekhe dzokuEzhiya dzatumira kwaziso. Akwira naPurisika, pabodzi nokherekhe iri mumba mavo, vatumira kwaziso dzopamwoyo muna Ishe. 20 Hama dzese dzatumira kwaziso.

Moresanai nokutsvodana kutsvene.

21 Inipano Phauro, ndanyora kwaziso yakarei noruoko rangu chairo.

22 Kana pano asinai rudo naIshe, mbaashurikidziwe.

Uyai Ishe!

23 Mutsa dzaIshe Jesu mbadzive nemi.

24 Rudo rangu mbarive nemi mese muna Khirisitu Jesu. Ameni.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-