Publicidade

1 Coríntios 5

Upombwe mukherekhe

1 Zviri kutauhwa kuti pakati penyu pano chimina chomushoo usingatambirike kunyange pakati povasingatende. Munhu ari kuita zvobonde nomukadzi wababa vache! 2 Imimi munotozvikudza! Maifaniraba nai kutorira nokudzinga munhu wakareyo pakati penyu? 3 Ndava kana zvangu ndisipo mumuviri pamweya ndiripo, ndatoreva mutongo kare kumurume adoita chinhu chidodai kunge ndiripo. 4 Pamunoungana muzita raIshe wedu Jesu nomweya wangu uripo, nosimba raIshe wedu Jesu riripo, 5 isai munhu wakareyo kuna Sathani kuti muviri uparadziwe, kuti mweya wache uponesewe pazuva raIshe Jesu.

6 Kuzvikudza kwenyu hakunai kunaka. Hamuzive kuti mbiriso ishoma inokukumutsa mukanyiwa wese? 7 Biritsai mbiriso yokare kuti muve mukanyiwa mutsva, sezvo muri mukanyiwa mutsva usinai mbiriso, nokuti ndozvamava. Ndava Khirisitu hwayana redu rophasika, adoitiwa chibairo. 8 Saka mbatirambei tichipemberera mutambo, aikona nombiriso yokare, mbiriso yokunyangadza noyouipi, asi nomazingwa yasinai mbiriso, iko kuita nomwoyo wese nochokwadi.

9 Ndidokunyorerai mutsamba rangu kuti mureke kubatana nomhombo dzovanhu, 10 kusiri kureva mhombo dzonyika ino, kana vanonhafu nomatsotsi, kana vanonamata zvifananidzo, ndava zvingatoda kuti mubirike munyika. 11 Asi ndiri kukunyorerai kuti mureke kuwadzana nani zvache anozviti hama kana anomhosva youpombwe kana nhafu, kana munamati wozvifananidzo, mucheri, mumwi, kana tsotsi - rekai kana kutoja naye.

12 Ndava ndingatongereiko vari kunze? Ko handiti mbaye vari mukherekhe vamunofanira kutonga? 13 Mwari anotonga vari kunze. "Dzingai munhu wakareyo adoipa kubva pakati penyu."

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-