Publicidade

1 Coríntios 14

Zvimwe paZvipo zvoMweya

1 Vavarirai kuva norudo, uye ditsitsai zvipo zvomweya, kunyanyitsa kuti muporofite. 2 Ndava anotaura noimwe ndimi haatauri kuvanhu asi kuna Mwari, ndava hapanai anomunzvitsitsa, asi anonyaira muMweya zvidohwanda. 3 Asi kunorimwe divi, anoporofita anotaura kuvanhu kuti vavakhike nokukurudzihwa uye kuti vanyaradziwe. 4 Anotaura nondimi anozvivaka iye, asi anoporofita anovakha kherekhe.

5 Zvino ndinoda kuti mese mutaure nondimi, asi zvikuru kuti muporofite. Anoporofita mukuru kukunda anotaura nondimi, kunze kwokunge pano mududziri, kuitira kuti kherekhe ivakhike. 6 Zvino, hama, kana ndikauya kwamuri ndichitaura nondimi, ndinokubatsirai tini kunze kwokuti nditaure kwamuri kuzururihwa kana ruzivo kana chiporofiti kana dzidziso?

7 Kana zvinoridziwa zvisinai upenyu, zvidoita sechinonje, kana kamukubwe, zvikasasiyanisa muririro, munhu angazive tini chirikuridziwa? 8 Kana hwamanda ikareka kupa musiyano, mbani angagadzirire kohwa? 9 Ndomwenze imipa, kana mukataura shoko mundimi dzisingazikane, zvinorehwa zvingazikane tini? Ndava munenge muchitotaura kumhepo. 10 Pasina kupokana pano mitauro mizinji munyika, futi hapanai usinai zvaunoreva, 11 asi kana ndisingazive zvinoreva mutauro, ndichava mubvakure kumutauri nomutauri achiva mubvakure kwandiri. 12 Ndozvazvidoita naimipa, sezvo muchiditsa zvipo zvomweya, tsvagai zvinovakha kherekhe.

13 Uyo anotaura nondimi mbaanamatire kudzidudzira. 14 Ndava kana ndikanamata nondimi, mweya wangu unonamata asi pfungwa yangu inosaya chibereko. 15 Saka ndoita tini? Ndichanamata nomweya ndodzonamatawo nopfungwa, ndichaimba nomweya ndodzoimbawo nopfungwa. 16 Zvino kana muchirumbidza nomweya, munofunga murendo arimo angati "Ameni" tini kana asingazive zvamuri kutaura? 17 Ndava mungatopa kutenda zvidokwana, asi umwe asiri kuvakhika.

18 Ndinotenda Mwari kuti inini ndinotaura nondimi kukunda mese, 19 zvisinei, mukherekhe ndingatoda kutaura mashoko mashano yanonzvitsitsiwa, kuitira kuti ndidzidzise vamwe, panokuti nditaure nondimi mashoko yasingaverengeke.

20 Hama, rekai kuva kufunga sevana, asi panozvidoipa ivai sevana, uye pakufunga kwenyu muve vakuru. 21 Mumutemo mudonyohwa,

"Ndichataura kuvanhu vakareva

ndichishandisa vanhu vomutauro wodzimwe ndimi

uye nomiromo yovatohwa

asi kunyange zvidodaro havasi kudzonditeerera." Ndizvo zvinonyaira Ishe.

22 Saka, ndimi chiratidzo aikona kuvatendi asi kuno vasingatendi, asi kuporofita hakusi kwovasingatende, asi nghovatendi.

23 Zvino, kana kherekhe yese yaungana, vese vachitaura nondimi, vokunze kana kuti vasingatende vakapinda, vangatotiba munopenga? 24 Asi kana vese vakaporofita, asingatende kana kuti wokunze akapinda, anokomwesewa novese kuti mutadzi, 25 zvidosvisvika zvomwoyo wache zvinoisiwa pachenu, zvokuti, anowa nochiso chache, achinamata Mwari nokuziva kuti, "Mwari ari pakati penyu zvochokwadi."

Kurongeka mukherekhe

26 Chiiko zvino, hama? Pamunosangana, umwe noumwe anochimbo, chidzidzo, kuzururihwa, ndimi, kana kududzira. Zvinhu zvese mbazviitihwe kuvaka. 27 Kana pakava noanotaura nondimi mbapandoita vairi chete vakawanditsa vave vatatu, vachiita mubodzi mubodzi panguwa, uye umwe mbaadudzire. 28 Asi kana pasinai anodudzira, vese mbavanyarare mukherekhe, iye azvinyairire uye anyaire kuna Mwari. 29 Mbapave novaporofiti vairi kana vatatu vanonyaira, vamwe mbavaongorore zvinonyaihwazvo. 30 Kana kuzururihwa kwapasiwa kunoumwe adogarikika pakarepo, mutauri wokuthanga mbaanyarare. 31 Ndava mese munogona kuporofita mubodzi mubodzi, kuitira kuti vese vadzidze uye vese vakurudzihwe. 32 Uye mweya wovaporofiti unozviisa pasi povaporofiti, 33 ndava Mwari haasi wonyongano asi ngworunyararo.

Asi sezvidoita mukherekhe dzese dzovatsvene, 34 vakadzi mbavagare vadonyarara mukherekhe. Ndava vanotendehwaba kutaura, asi vanofanira kuzviisa pasi, sezvinoreva mutemo. 35 Kana panochavanoda kuziva, mbavabvunze varume vavo kumba. Ndava zvinonyadzisa kuti mukadzi ataure mukherekhe.

36 Ko shoko raMwari ridothangiwa naimimi chere? Kana kuti ridondosvika kwamuri imimi basi? 37 Kana pano anofunga kuti muporofiti, kana ngwomweya, anofanira kuona kuti zvandiri kukunyorerai kuraira kwaIshe. 38 Kana aripo asingaone izvi, iye mbaareke kuzikana.

39 Saka hama dzangu, nyanyitsai kuda kuporofita, uye rekai kurambidza kutaura nondimi, 40 asi zvinhu zvese mbazviitiwe nonzira idofanira idorongeka.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-