Publicidade

1 Coríntios 6

Kumhangarirana kwomaKhirisitu

1 Kana mabiyako ano chigumbu nohama, angaende komhangara kuno vasingatende nai panokuti aende kuvatsvene? 2 Munozivaba nai kuti vatsvene vachatonga nyika? Zvino kana nyika ichidzotongewa naimimi, mungavhuwire tumhosva tudikidiki? 3 Munozivaba kuti tichatonga ngirozi? Manje panyaya dzoupenyu huno, zvidotofanira zvidonyanya! 4 Zvino kana muno nyaya dzidodaro, sei muchidziisa pamberi poavo vanoonewa vari vopasipasi nokherekhe? 5 Ndinotaura izvi kuti ndikunyadzisei. Zvingave izvo nai kuti hapanai munhu pakati penyu adochenjera zvidokwana kuti aenzanise pakati pohama? 6 Asi hama inomhangarira hama, pamberi povasingatende! 7 Kukwirirana dare kwakareko kwamunoita kunoreva kuti matokundikana kare. Munorekerei kubvuma kudzongewa? Munorekerei kubvuma kubiridzihwa? 8 Asi imimi pachenyu munodzonga muchibiridzira, muchiitira hama zvakarezvo. 9 Hamuzive nai kuti vasinai kururama havaji nhaka youmambo hwaMwari? Rekai kunyengedzewa, mhombo, kana vanamati vozvifananidzo, kana mahure, kana ngochani, 10 kana mbavha, kana vanonhafu, kana vanoraradza, kana vanoguhwa, kana matsotsi vanojaba nhaka youmambo hwaMwari. 11 Zvakarezvo ndizvo zvanga zvidoita vamwe venyu. Asi mudoshambidziwa, mudochenesewa, mudoruramisiwa muzita raIshe Jesu Khirisitu nomuMweya waMwari wedu.

Miviri Yenyu Mbaishandisihwe Kubhwinya kwaMwari

12 "Zvinhu zvese ndidozvibvumihwa," asi hazvisi zvese zvinobatsira. "Zvinhu zvese ndidozvibvumihwa," asi handidzoitiwa muranda nochinhu chipi zvachene. 13 "Chokuja chidoitihwa mimba nomimba njochokuja" asi Mwari achaparadza zvese iyo naicho. Muviri haunai kuitihwa upombwe, asi udoitihwa kuti ushumire Ishe, uye naIshe atonge muviri. 14 Mwari adomutsa Ishe achatimutsawo isisu nosimba rache.

15 Munozivaba nai kuti miviri yenyu inhengo dzaKhirisitu? Manje ndotora nhengo dzaKhirisitu ndichidziita nhengo dzouhure? Ndizvoba! 16 Munozivaba kuti uyo anozvibatanidza nohure wava nyama ibodzi naro? Ndava, sekunyohwa kwazvidoitiwa kuti, "Vairi vachava nyama ibodzi." 17 Asi uyo wabatanidziwa naIshe wava mweya mubodzi naye.

18 Tizai upombwe. Chitema chese chinoitiwa nomunhu chiri kunze kwomuviri, asi munhu anoita upombwe anotadzira muviri wache. 19 Munozivaba nai kuti muviri wenyu imba yaMwari yoMweya Mutsvene ari mamuri, wamudopasiwa naMwari? Hamusi venyu, 20 mudotengewa nomutengo. Saka kudzai Mwari mumuviri wenyu.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-