1 Zvino ndinoda kukuyeuchidzai, hama, mutoo wandidokuparidzirai vhangeri, ramudotambira, noramudomira mariri, 2 ramunoponesewa naro, kana mukabatitsitsa shoko randidokuparidzirai kunze kwokunge mudotenda zvisipo.
3 Zvandidotambira zvinokosha ndizvo zvandidokupasai pakuthanga zvokuti: Khirisitu adopfira zvitema zvedu maererano noMagwaro, 4 kuti adovigiwa, uye kuti adomutsiwa nozuva rochitatu zviri maererano nomagwaro, 5 uye kuti adozvinangidza kuna Kefasi, pasure kunogumi novairi. 6 Pasure adozvinangidza panguwa ibodzi kuhama dzinodarika mazana mashano, vazinji vacho mbapenyu, kana nepo vamwe vapfa. 7 Ipopo adodzozviratidza kuna Jakobho, pasure kunhumwa vese.
8 Pakupedzisira, adozvinangidzawo kwandiri kunge uye adozvahwa nguwa isinati yakwana. 9 Ndava ndiri mudiki kunhumwa vese, ndinofaniraba kuitiwa nhumwa, nokuti ndidotambudza kherekhe yaMwari. 10 Asi nonyasha dzaMwari ndiri zvandiri, uye mutsa dzache kwandiri dzanga dzisiri pasina. Panokuti zvidaro, ndidoshanda zvidosimba kukunda ivo vese, kana nepo ndisiri inini, asi mutsa dzaMwari dzanga dzineni. 11 Angave inini kana ivo, izvi ndizvo zvatidoparidza, imimi muchibva mazvitenda.
12 Zvino kana Khirisitu achiparidziwa kuti adomuka kuvadopfa, vamwe venyu vanotaura seiko kuti hakunai kumuka kwovadopfa? 13 Asi kana pasinai kumuka kwovadopfa, kana naKhirisitu haanai kumuka ndipo, 14 kana Khirisitu asinai kumutsiwa, kuparidza kwedu hakunai basa nokutenda kwenyu hakunai basa. 15 Kunyanyitsa isisu tinowanika tiri zvapupu zvaMwari zvomabwodo, ndava tidopupurira Mwari kuti adomutsa Khirisitu, waasinai kumutsa kana zviri izvo kuti vadopfa havamuke. 16 Ndava kana vadopfa vasingamutsiwe, kana Khirisitu haanai kumutsiwa. 17 Kana Khirisitu asinai kumutsiwa, kutenda kwenyu hakunai kabonyo, muchiri muzvitema zvenyu. 18 Naivo vadopfa muna Khirisitu vadotaika. 19 Kana muupenyu huno muri imo chete munotariro yedu muna Khirisitu, tinosiririsa kukunda vanhu vese.
20 Asi zvochaizvo Khirisitu adomuka kuvadopfa, chibereko chokuthanga chovadopfa. 21 Ndava ipfa sezvaidouya nomunhu, kumuka kwovadopfa kudouyawo nomunhu. 22 Nokuti vese zvavanopfa muna Adhamu, ndomwenze kamu muna Khirisitu vese vachava vapenyu. 23 Asi umwe noumwe pazoro rache: Khirisitu chibereko chokuthanga, tevere avo vari vaKhirisitu pakuuya kwache. 24 Ipopo kuguma kwodzouya, paachapereka umambo kuna Mwari Baba kana waparadza utongi kwese noukuru hwese nomasimba. 25 Ndava anofanira kutonga kusvikira waisa vavengi vache vese pasi potsoka dzache. 26 Muvengi wokupedzisira kuparadziwa ipfa. 27 Ndava gwaro rinoti "Mwari adoisa zvinhu zvese pasi potsoka dzache," Asi kana zvichinzi, "Zvinhu zvese zvidoisiwa pasi pache," zviri pachenu kuti kunondosara iye nyakuisa zvinhu zvese pasi paKhirisitu. 28 Kana zvinhu zvese zvava pasi pache, ipopo Mwanakomana pachake achavawo pasi paiye nyakuisa zvinhu zvese pasi pache, kuti Mwari ave zvese kumunhu wese.
29 Kana zvisinai kudaro, chii chichaitiwa kuno avo vanoombekehwa adopfa? Kana vadopfa vasingadzomuka, seiko vanhu vachiombekehwa adopfa? 30 Ko isisu seiko tichizviisa panyatwa nguwa yese 31 uye sei ndichinangarana noipfa mazuva yese? Izvi nzvochokwadi sezvandinozvirumbidza nokuda kwenyu muna Khirisitu Jesu Ishe wedu. 32 Kana ndidozviitira vanhu kuti ndidohwa nozvirombo zvomusango paEfeso, zvinondipeiko? Kana vadopfa vasingamutsiwe, "Mbatije nokumwa, ndava mangwana tichapfa."
33 Rekai kunyengedzewa, "Shamwari dzidoipa dzinoodza unhu hudonaka." 34 Dzokai papfungwa dzidonaka, murekere kumbotadza. Ndava vamwe venyu vanozivaba Mwari. Ndinozvinyaira kuti munyare.
35 Asi umwe angabvunze, "Anga vadopfa vanomuka tini? Vanouya nomuviri udoita tini?" 36 Iwe dzemwa romunhu! Chaunojara hachimere kunze kwokunge chapfa. 37 Futi unojaraba muviri uchavapo, asi mbeu basi, pamwe yogorosi kana yozvimwe. 38 Asi Mwari anoipasa muviri sezvaanosarudza, uye kurudzi rombeu yegayega anoipasa muviri wayene.
39 Ndava nyama yese hainai kufanana, asi imwe njomunhu, imwe njomhuka, imwe njotushiri, noimwe njohove.
40 Pano miviri yokudenga nomiviri yopanyika, asi kubhwinya kwoyokudenga nghumwe, nokubhwinya kwoyopanyika nghumwe. 41 Pano kubhwinya kwozuva, nokumwe kubhwinya kwomwedzi, uye kumwe kubhwinya nghonyenyedzi, nonyenyedzi inosiyana noimwe nyenyedzi pakubhwinya.
42 Zvakarezvo ndizvo zvichaita kumuka kwovadopfa. Muviri udovikiwa uchiora, unomutsiwa uri muviri usingaore. 43 Unovikhiwa uri mukuzvidziwa, unomutsiwa uri mukubhwinya. Unovikhiwa udovhuwa, unomutsiwa uri musimba. 44 Unovikhiwa uri muviri wonyama, unomutsiwa uri muviri womweya. Kana panomuviri wonyama, nomuviri womweya uripowo. 45 Saizvozvo kudonyohwa kuti, "Munhu wokuthanga Adhamu adova munhu mupenyu," Adhamu wokupedzisira adova mweya unopasa upenyu. 46 Asi zvomweya ndizvoba zvidothanga asi zvonyama, pachidzotevera zvomweya. 47 Munhu wokuthanga wanga ari wonyika, adoitiwa noivhu, munhu wochipiri adobva kudenga. 48 Sezvanga zvidoita munhu woivhu, ndizvo zvidoitawo ivo voivhu, uye sezvidoita munhu wokudenga, ndizvo zvidoitawo vokudenga. 49 Sezvatidova nochimiro chomunhu woivhu, tichavawo nochimiro chomunhu wokudenga.
50 Ndinokuudzai izvi, hama: nyama nogazi zvingagareba nhaka youmambo hwaMwari, kana chinoparara kugara nhaka yochisingaparare.
51 Onai! Ndinokuudzai chidosvisvika. Hatingapfe tese, asi tese tichasanduhwa, 52 kundoti ngwezu, kunge kuboira kwoziso, pahwamanda yokupedzisira. Ndava hwamanda icharira, vadopfa vachamuka vasisaparare, uye tichasanduhwa. 53 Ndava muviri uyu unoparara unofanira kusimira kusaparara, nomuviri wakareyu unopfa unofanira kusimira muviri usingapfe. 54 Kana muviri unoparara wasimira kusaparara, nomuviri unopfa wasimira kusapfa, ipopo pachaitika kutaura kudonyohwa, "Ipfa yamedzewa nokukunda."
55 "Iwe ipfa, kukunda kwako kuri poi?
Iwe ipfa karumborera kako kari poi?"
56 Kupfonda kwoipfa ndicho chitema, nosimba rochitema ndiwo mutemo. 57 Asi Mwari mbaatendewe! Adotipasa kukunda kuburikidza naIshe wedu Jesu Khirisitu.
58 Nokudaro, hama dzangu dzinodikana, mirai mudosimba, pasinai chinokutsukunyutsai, nyanyitsai kuita basa raIshe, muchiziva kuti muna Ishe kushanda kwenyu hakusi kwomahara.