Publicidade

1 Coríntios 10

Chenjedzo paNyaya yoZvifananidzo

1 Hama ndinoda kuti muzive, kuti madziteteguru vedu vese vanga vari pasi poguti, uye kuti vese vadopinda nomugungwa, 2 uye kuti vese vadoombekewa mugore nomugungwa sevateveri vaMozisi, 3 uye kuti vese vadoja zvokuja zvibodzibodzi zvomweya 4 uye kuti vese vadomwa zvokumwa zvibodzibodzi zvomweya. Ndava vadomwa paDombo romweya ridovaperekedza, uye Dombo rakarero wanga ari Khirisitu. 5 Zvisinei Mwari haanai kufara novazinji vavo, ndava zvitunha zvavo zvidopararira musango.

6 Manje zvinhu zvakarezvi ichenjedzo kwatiri, kuti tireke kuda zvidoipa kunge zvavadoita ivo. 7 Rekai kunamata zvifananidzo kunge zvidoitiwa novamwe vacho, semanyorehwo yazvidoitiwa, "Vanhu vadogarikika kuti vaje nokumwa ndokusumuka kuti vatambe." 8 Hatifaniri kuita upombwe kunge zvidoitiwa novamwe vacho, pachibva papfa zviuru makumi mairi nozvitatu pazuva ribodzi. 9 Hatifaniri kuedza Khirisitu, sevamwe vadomuedza vachibva vaparadziwa nonyoka, 10 kana kunyunyuta, sezvidoitiwa novamwe vavo vakaparadziwa nomuparadzi.

11 Zvino zvinhu izvi zvidoitika kwavari seyambiro kwatiri, uye zvidonyorehwa kutidzidzisa isisu, tidosvikihwa nomagumo yonguwa.

12 Saka uyo anofunga kuti anomira mbaachenjere kuti areke kuwa. 13 Hapanai muedzo udokubatai usiri wovanhu vese. Mwari adotendeka, haakurekei muchiedzewa zvinokunda simba renyu, asi pabodzi nomuedzo anokupasaiwo nzira yokupunyuka, kuti mugone kukunda.

14 Nokudaro, vadikani vangu, tizai kunamata zvifananidzo. 15 Ndinonyaira sekuvanhu vanonzvitsitsa, tongai mega zvandinoreva. 16 Mukombe wonhendo watinoropafadza, hakusi kuwadzana mugazi raKhirisitu nai? Zingwa ratinokomora, hakusi kuwadzana mumuviri waKhirisitu nai? 17 Nondava yokuti pano zingwa ribodzi, isisu tiri vazinji tiri muiri mubodzi, ndava tese tinokovana zingwa ribodzi.

18 Fungai vaIzirairi, ko avo vanoja zvibairo vanokovanaba noatari nai? 19 Zvino ndiri kuti chii? Kuti zvokuja zvidoteterehwa kuzvifananidzo, kana chifananidzo chinhu chere? 20 Neye, asi ndinoti zvinobaihwa novahedheni vanozvibaira mashave aikona Mwari. Zvino ndinodaba kuti muyanane nomashave. 21 Hamungamwire pamukombe waIshe nomukombe womashave. Hamungajire pathafura yaIshe nothafura yomashave. 22 Tinoda kumutsa chanje yaIshe chere? Tinomukunda kusimba chere?

23 "Zvinhu zvese zvinotendehwa," asi hazvisi zvese zvinobatsira. "Zvinhu zvese zviri pamutemo," asi hazvisi zvese zvinovakha. 24 Mbakureke kuva nomunhu anondotsvaga zvidonakira iye basi, asi zvidonakira vamwe.

25 Ijai zvese zvinotengesewa pamusika wonyama pasinai chamunobvunza nokuda kwohana, 26 ndava "nyika njaMwari nozvese zviri mairi."

27 Kana umwe wovasingatende akakukoka kaja iwewe uchida kuenda, ndoja chese chaisiwa pamberi pako usinai chaunobvunza nokuda kwohana. 28 Asi kana umwe akati kwauri, "Ichi chidobaihwa zvifananidzo," chireka kuja nokuda kwomunhu wakunyepa, uye nokuda kwohana, 29 ndinoreva hana yache, aikona yako.

Sei kusungunuka kwangu kuchitongewa nohana youmwe? 30 Kana ndikaja ndichitenda, seiko ndichitongewa pamusoro poichocho chandapasira kutenda?

31 Saka kana muchija kana kumwa, kana chese chamunoita, itai zvese kuti Mwari akudziwe. 32 Rekai kugumbura vaJudha kana vaGiriki kana kherekhe yaMwari, 33 sezvandinoedza kufadza vanhu vese muzvinhu zvese zvandinoita, ndisingatsvage zvidondinakira, asi zvidonakira vazinji, kuti vaponesewe.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-