Publicidade

1 Coríntios 13

Rudo

1 Kana ndingataure nondimi dzovanhu nodzongirozi, asi ndisinai rudo, ndandova kufurumidza kwodare kana kwosimbi iri kugon’kugon'ohwa. 2 Kana ndikaporofita, nokunzvitsitsa zvidosvisvika zvese noruzivo rese, uye kana ndinokutenda kwese, zvokutosudurutsa makomo, asi ndisinai rudo, handisi chinhu. 3 Kana ndikapereka zvese zvandinazvo, nokupa muviri wangu kuti upisiwe, asi ndisinai rudo, hapanai chandinowana.

4 Rudo runo mwoyo murefu futi runyoro, rudo harinai chanje, harizvikudze kana kuzvitutumadza, 5 harinai mutindi, harinai kwangukwangu, harichengete chigumbu, harikaripekaripe kana kunyangarihwa, 6 rudo harifarire zvidoipa, asi rinofarira chokwadi. 7 Rudo rinotsungirira pazvinhu zvese, rinotenda zvese, rinogurupira pazvinhu zvese, rinochiirira pazvinhu zvese. 8 Rudo rinoperaba. Asi kana zviri zviporofiti, zvichapfuruka, kana dziri ndimi dzichapera, kana riri ruzivo, richapfuruka. 9 Ndava ruzivo redu harinai kuzara nochiporofiti chedu hachinai kuzara, 10 asi kana zvidozara zvasvika, zvisinai kuzara zvichapamwara.

11 Pandaiva mwana, ndaitaura semwana, ndaifunga semwana, ndinokufunga sekwomwana, pandidodzokura ndidosiya zvoudiki. 12 Ndava zvino tinoona zvobuzvi kunge pachiringiriro, asi panguwa iyoyo tichaonana zviso zvidonagarana. Zvino ndinoziva chikamu, panguwa iyoyo ndichaziva zvizere, sekuzikana zvizere kwandinoitiwa.

13 Nokudaro kutenda, tariro, norudo, zvitatu izvi ndizvo zvinogara, asi chikuru chazvene ndiro rudo.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-