Publicidade

1 Coríntios 11

1 Ivai vateveri vangu, sezvandinotevera Khirisitu.

Kufuga Musoro paKunamata

2 Ndinokurumbidzai ndava munondiyeuka muzvinhu zvese uye munochengetedza dzidziso semapasiro yandidokuitai. 3 Asi ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wese ndiKhirisitu, musoro womukadzi murume, nomusoro waKhirisitu ndiMwari. 4 Murume wese anonamata kana kuporofita adofuga musoro anozvidza musoro wache, 5 asi mukadzi wese anonamata kana kuporofita asinai kufuga musoro wache anozvidza musoro wache ndozvibodzi bodzizvo nokunge musoro wache udogerewa. 6 Ndava kana mukadzi asingasunge dhuku, mbaagerewe vhudzi ndipo, asi kana zvichinyadzisa kuti mukadzi agerewe kana kusvuuhwa musoro mbaasunge dhuku. 7 Ndava murume anodaba kufuga musoro wache, sezvo ari mufananidzo nokubhwinya kwaMwari, asi mukadzi ndiye kubhwinya kwomurume. 8 Ndava murume haanai kuitiwa kubva kumukadzi, asi mukadzi adobva kumurume. 9 Futi murume haanai kusikihwa mukadzi, asi mukadzi adosikihwa murume. 10 Nochikonzero chakarecho, uye nochikonzero chongirozi, mukadzi achifanira kuva nodhuku mumusoro wache kunangidza kuti ari pasi pomasimba. 11 Zvisinei, muna Ishe mukadzi anozvimiriraba pasinai murume kana murume pasinai mukadzi, 12 ndava mukadzi adoitiwa kubva kumurume, zvidodarowo murume anoberekewa nomukadzi, asi zvinhu zvese zvinobva kuna Mwari.

13 Wongororai imi pachenyu, zvidokohoroka chere kuti mukadzi anamate kuna Mwari ano musoro usinai kufugiwa? 14 Anga masikihwo pachayo yanokudzidzisaiba nai kuti murume akaita vhudzi rirefu zvinonyadzisa, 15 asi kana mukadzi akava novhudzi rirefu, zvinomupa chiremera? Ndava vhudzi rirefu adoripasiwa kuti rimufukidze. 16 Kana pano anoda kuita mhoka, isisu kana kherekhe dzaMwari, hatinai tsika idodaro.

Chirairo chaIshe

17 Pakuraira kunotevera handikupembedzei, ndava pamunosangana nzvobuyaba asi uyanga. 18 Kuthanga, ndinonzva kuti pamunosangana sekherekhe, pano kukamurana pakati penyu, zvimwe zvacho ndinozvitenda. 19 Pasinai kupokana panofanira kunge pano zvikwata zvidosiyana pakati penyu izvi zvinoita kuti avo vari pachokwadi pakati penyu vazikane. 20 Pamunosangana, hachisi chijo chaIshe chamunoja. 21 Ndava pakuja, munhu wese anondoja zvache, umwe ano nzara, mumwe watokorewa. 22 Chii! Hamunai dzimba kwokujira nokumwira nai? Kana kutoti munozvidza kherekhe yaMwari muchinyadzisa vasinai chavanacho? Ndichati chii kwamuri? Ndikutunhidzei pazviri? Nikisi.

23 Ndava zvandidotambira kubva kuna Ishe ndizvo zvandidokupasai, kuti Ishe Jesu pausiku hwaadopandukihwa adotora zingwa, 24 paadopereka nhendo, adorikomora, achiti, "Uyu muviri wangu udopasiwa imimi. Itai zvakarezvi muchindiyeuka." 25 Nzvibodzibodzizvo nomukombe, vabva kuja chijo, adoti, "Mukombe uyu chibvumirano chitsva mugazi rangu. Itai zvakarezvi, pese pamunoumwa, ndiyeukei."

26 Ndava pese pamunoja zingwa rakareri nokumwa mukombe, munoparidza ipfa yaIshe kusvikira wauya. 27 Manje wese, anoja zingwa kana kumwa mukombe waIshe nomutoo usingakodzere achava nomhosva yokutadzira muviri nogazi raIshe. 28 Munhu mbaazviwongorore, wodzoja zingwa nokumwa pamukombe. 29 Ndava ani zvache anoja nokumwa nokusacherechedza muviri waIshe anoja nokumwira kuti azvitorere kutongewa. 30 Ndicho chikonzero vazinji venyu vadoneta uye vachihwara, vamwe vadotopfa. 31 Asi kana tikazvitonga tega, tinotongewaba. 32 Asi patinotongewa naIshe, tinorangiwa kuti tireke kudzopasiwa mhosva pabodzi nonyika.

33 Saka, hama dzangu, pamunoungana kuti muje, miriranai 34 kana pano anonzara, mbaaje kumba kuti mureke kuunganira kupasiwa mhosva. Pamusoro pozvimwe zvinhu ndichakupasai makwara kana ndauya.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-