1 Ndidosunungukaba nai? Ndiriba nhumwa? Ndidoonaba Jesu Ishe wedu? Ko imipa muriba basa rangu muna Ishe? 2 Kana kuno vamwe ndisiri nhumwa, asi kwamuri imipa ndiri, ndava muri chisimbiso chounhumwa hwangu muna Ishe.
3 Kwakareku ndiko kuzvidzivirira kwangu kuno avo vanoda kundiwongorora: 4 Hatinai kodzero chere yokuja nokumwa mudzimba dzenyu? 5 Hatinai kudzero chere yokufamba nomudzimai mutendi, sezvinoita vamwe nhumwa novanin'ina’ina vaIshe naKefasi? 6 Kana kuti Bhanabhasi nainini nhisu basi tisinai kodzero yokurekera basa rinotiraramisa? 7 Mbani anoita basa rochiuto achizviripira muhoro wega? Mbani anojara munda womizambiringa asingaje muchero yawene? Mbani anorisa boka asingawane mukaka wacho?
8 Ndinoreva izvi kubva pamafungiro yomunhu chere? Ko mutemo unonyairaba zvibodzi bodzizvo? 9 Ndava mumutemo waMozisi zvidonyohwa kuti, "Reka kusunga muromo wodhonza rinopura mapfunde." Anga Mwari anohanya nomadhonza nai? 10 Anozvinyairaba nai nondava yedu? Zvidonyorehwa isisu. Ndava anogaura noanopura vanofanira kugaura nokupura vachigurupira kukovehwa chirimwa. 11 Kana tidojara mbeu yomweya pakati penyu, tikadzokohwa zvenyu zvonyika tinenge tanyanyitsa nai? 12 Kana vamwe vachiti vanokodzero yokutsigihwa naimimi, ko kwatiri idotonyanyitsaba nai?
Zvisinei, hatinai kushandisa kodzero yakareyo, asi tinototsunga pachinhu chipi zvachene panokuisa chipinganidzo panzira yovhangeri yaKhirisitu. 13 Hamuzive nai kuti avo vanoshanda basa romuimba yaMwari vanowana kuja kwavo kubva muimba yaMwari, noavo vanoshanda paatari vanokovana nayo zvibairo zvinoisiwa pairi? 14 Nonzira ibodzi bodziyo, Ishe vadoraira kuti avo vanoparidza vhangeri vanofanira kurarama novhangeri.
15 Asi inini handinai kushandisa imwe yokodzero dzakaredzo, naipopa handisi kunyorera kuti ndiwane izvozvo. Ndava ndingatoda kupfa panokuti pave noanonditorera chandinozvirumbidza nacho. 16 Ndava kana ndichiparidza vhangeri, ndinowanaba chokuzvirumbidza nacho. Ndava ndizvo zvandinofanira kuita. Mayanga kwandiri kana ndisingaparidze vhangeri! 17 Ndava kana ndichiita zvakarezvo nokuda kwangu, ndinomubairo, asi kana kusiri kuda kwangu, ndiri kundoita zvandidotumiwa nokuvimbiwa naMwari. 18 Zvino mubairo wangu chii? Nguyu basi: kuti mukuparidza kwangu ndipereke vhangeri mahara, ndisingashandise zvizere kodzero dzangu muvhangeri.
19 Nokuti kana nepo ndidosununguka kubva kuvanhu vese, ndidozviita muranda wovese, kuti ndiuyise vazinji kuna Khirisitu. 20 KuvaJudha ndidoita kunge muJudha, kuti ndiuyise vaJudha, kuno vari pasi pomutemo ndidoita kunge ndiri pasi pomutemo - kana zvangu ndisiri pasi pomutemo - kuti ndiuyise vari pasi pomutemo. 21 Kuno avo vari kunze kwomutemo ndidoita kunge ndiri kunze kwomutemo ndisiri asinai mutemo kuna Mwari asi ndiri pasi pomutemo waKhirisitu kuti ndiuyise vari kunze kwomutemo. 22 Kuno vasinai simba, ndidova asinai simba, kuti ndiuyise vasinai simba kuna Khirisitu. Ndidova zvinhu zvese kuvanhu vese, kuti kana zvichikwanisika ndiponese vamwe.
23 Ndinoita zvakarezvi zvese nokuda kwovhangeri, kuti ndikovehwe maropafadzo yarene. 24 Munozivaba kuti pamujaho vanotizira vese vanokwikwidzana, asi mubodzi ndiye anotambira mubairo? Saka tizirai kuti muuwane. 25 Wese anokwikwidza anozvirovedza muzvinhu zvese. Ivo vanozviitira kuti vawane korona inopera, asi isisu kuti tizviwanire korona isingapere. 26 Inini handiite chimhanyemhanye, handihwi kunge ndinorova mhepo, 27 asi ndinorovedzera muviri wangu ndichiuita muranda wangu, kuti ndamboparidzira vamwe inini ndireke kudzova asingakodzere.