Publicidade

1 Coríntios 8

Mubvunzo woKuja Zvidobaihwa Zvifananidzo

1 Zvino pamusoro pozvokuja zvidoteterehwa kuzvifananidzo,

tinoziva kuti, "tese tino ruzivo." Ruzivo runosasura, asi rudo runovakha. 2 Kana munhu achifunga kuti ano chaanoziva, haanati waziva sezvaanofanira kuziva. 3 Asi kana munhu achida Mwari, iye anozikana naye.

4 Zvino, kana kuri kuja zvokuja zvidoteterehwa kuzvifananidzo, tinoziva kuti "chifananidzo chinhuba," uye kuti "hakunai Mwari asi iye mubodzi." 5 Ndava kana varipo vanodaidziwa kuti ana "mwari" kudenga kana panyika, sezvavaripo ana "mwari" vadowanda kana "ishe" vadowanda 6 asi kwatiri kunondova naMwari mubodzi, ivo Baba, kunobva zvinhu zvese isisu tiripo nokuda kwavo, naIshe mubodzi Jesu Khirisitu, zvinhu zvese zviripo kuburikidza naiye uye kuburikidza naiye isisu tiripo.

7 Zvisinei havasi vese vanokuziva kwakareku. Asi vamwe, nokuda kwokudzorovera zvifananidzo kusvika zvino, vanoja zvokuja kunge zvidoteterehwa kuzvifananidzo zvochaizvo, nohana yavo, isinai kusimba, inosvipisiwa. 8 Zvokuja hazvitiisi papfupi naMwari. Tinokungudzaba kuipa kana tikareka kuja, futi kana tikaja hazvitiite hasa.

9 Chete chenjerai kuti kusungunuka kwenyu kureke kuva chinoguhuna kuno vanohana isinai kusimba. 10 Ndava kana umwe akakuona, iwe uno ruzivo, uri pathafura muimba yozvifananidzo, angareke nai kuita manyemwe yokuja, zvokuja zvidoteterehwa kuzvifananidzo, kana hana yache isinai kusimba? 11 Nopamusaka poruzivo rako munhu uyu asinai simba anoparara, iri hama idopfihwa naKhirisitu. 12 Paunotadzira hama yako uchikuvadza hana yache pakusaya simba kwayene, kwakareku kutadzira Khirisitu. 13 Nokudaro, kana chandinoja chichikonzera kuwa kwohama yangu, ndichareka kuja nyama, kuti ndireke kukonzera hama yangu kuwa.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-