1 Hama pandidouya kwamuri, handinai kuuya kwamuri ndichikuparidzirai zvidohwanzika zvaMwari, handinai kushandisa kugona kutaura kwovanhu kana mashoko youchenjeri. 2 Ndidosarudza kusaziva chimwe chinhu pakati penyu kunze kwaJesu Khirisitu iye adorovehwa pamuchinjikwa. 3 Pandidouya kwamuri ndanga ndidoneta ndichitetemera nondava yokucha kukuru, 4 kunyaira kwangu nokuparidza kwangu zvanga zvisiri mumashoko youchenjeri hwokupenzveredza hwokusukumidzira, kunobva pakuchenjera kwovanhu, asi kwokunangidza simba roMweya waMwari. 5 kuti kutenda kwenyu kureke kutsamira pauchenjeri hwomunhu asi musimba raMwari.
6 Asi pakati povakura pamweya tinonyaira shoko rouchenjeri, kana nepo husiri uchenjeri hwanasi kana hwovatongi vanasi, hudomirira kupfuruka. 7 Asi tinotaura uchenjeri hwaMwari hudosvisvika, hudotemewa naMwari kare nyika isinati yavapo nokuda kwokubhwinya kwedu. 8 Hapanai mutongi wonguwa ino adozvinzvitsitsa zvakarezvi, ndava dai vadozvinzvitsitsa, vairoveraba pamuchinjikwa Ishe wokubhwinya. 9 Asi semanyorehwo yazvidoitiwa kuti,
"Zvisinai ziso ridoona, kana nzeve idonzva,
kana kuthanga kufungika mumwoyo womunhu,
ndizvo Mwari zvaadogadzirira vanomuda."
10 Mwari adozvinangidza kwatiri kuburikidza noMweya. Ndava Mweya anonzvera zvese kana zvaMwari zviri gwiri. 11 Ndava mbani munhu anoziva mifungo yomunhu kunze kwomweya womunhu uri maari? Ndomwenze daro hapanai munhu anoziva mifungo yaMwari kunze kwoMweya waMwari. 12 Zvino tidotambiraba mweya wonyika, asi Mweya unobva kuna Mwari, kuti tinzvitsitse zvipo zvatidopasiwa pachena naMwari.
13 Uye tinotaura izvi mumazvi yasingadzidzisiwe nouchenjeri hwomunhu, asi yanodzidzisiwa noMweya, nokuturikira chokwadi chopamweya kuna ivo vanoMweya. 14 Munhu asiri womweya anotambiraba zvinhu zvoMweya waMwari, ndava mbudzemwa kwaari, anokonaba kuzvinzvitsitsa ndava zvinotsvagitsitsiwa pamweya. 15 Munhu womweya anoongorora zvinhu zvese, asi iye pachake anoongororekaba nomunhu.
16 "Ndava mbani adoziva mufungo waIshe?
Mbani angamurairire?"
Asi isu tino mufungo waKhirisitu.