Publicidade

1 Coríntios 1

1 Phauro, adodaidziwa nokuda kwaMwari kuti ave nhumwa waKhirisitu Jesu, nohama yedu Sositenesi.

2 Kukherekhe yaMwari iri paKorinde, kuno avo vadoyeresewa muna Khirisitu Jesu, vadodaidziwa kuva vatsvene pabodzi noavo vari kwese kwese vanodaidza zita raIshe wedu Jesu Khirisitu, Ishe wavo nowedu:

3 Mutsa norugare zvinobva kuna Mwari Baba vedu nokunaIshe Jesu Khirisitu mbazvive kwamuri.

Makomborero muna Khirisitu

4 Ndinopasa Mwari kutenda nguwa dzese nokuda kwenyu nondava yonyasha dzaMwari dzamudopasiwa muna Khirisitu Jesu, 5 ndava pazvese mudopfumisiwa maari pakunyaira kwese nokuziva kwese. 6 Futi uchapupu hwenyu pamusoro paKhirisitu hudosimbisiwa mamuri, 7 zvokuti hamunai chamurikusaya pazvipo zvomweya, mudomirira kuratidziwa kwaIshe wedu Jesu Khirisitu. 8 Uyo achakusimbisai kusvika pamagumo, musinai chinoshoreka pazuva raIshe wedu Jesu Khirisitu. 9 Mwari adotendeka, iye wamudodaidziwa naye kuruwadzano roMwanakomana wache, Ishe wedu Jesu Khirisitu.

Kupesana mukherekhe

10 Ndinokukumbiritsai, hama, nozita raIshe wedu Jesu Khirisitu, kuti mese mubvumirane kuti pakati penyu pareke kuva nokupesana, asi mubatane papfungwa ibodzi nochinangwa chibodzi. 11 Hama dzangu ndidozvinyepewa novoimba yokwaKhuro kuti pano bopoto pakati penyu. 12 Zvandiri kureva nzvokuti umwe noumwe wenyu anoti, "Inini ndinotevera Phauro," kana kuti "Ndinotevera Aporo," kana kuti "Ndinotevera Kefasi," kana kuti "Ndinotevera Khirisitu." 13 Ko Khirisitu adopatsanuriwa? Ko Phauro adorovehwa nokuda kwenyu? Kana pamwe mudoombekewa muzita raPhauro?

14 Ndinotenda kuti hapanai umwe wenyu wandidoombeka kunze kwaKhirisipasi naGayosi, 15 kuti pareke kuva noanoti mudoombekewa muzita rangu. 16 Ndidoombekawo voimba yaSitefanasi. Hapanai kamu, wandinoziva kuti ndidoombeka. 17 Ndava Khirisitu adonditumaba koombeka asi koparidza vhangeri, aikona nokugona kutaura, kuti muchinjikwa waKhirisitu ureke kutorehwa simba rawene.

Khirisitu Isimba noUchenjeri hwaMwari

18 Ndava shoko romuchinjikwa mbudzemwa kuna ivo vari kuparara, asi kwatiri vari kuponesewa isimba raMwari. 19 Ndava kudonyohwa kuti,

"Ndichaparadza uchenjeri hwovadochenjera,

noruzivo rovanoziva ndicharisayisa basa."

20 Muchenjeri ari poi? Mudzidzisi womutemo ari poi? Nyamhoka wanasi ari poi? Anga uchenjeri hwonyika Mwari adohuitaba udzemwa nai?

21 Ndava sezvo, muuchenjeri hwaMwari, nyika nouchenjeri hwayene idotadza kuziva Mwari, zvidofadza Mwari kuburikidza noudzemwa hwozvatinoparidza kuti aponese vanotenda. 22 Ndava vaJudha vanopopera minana uye vaGiriki vanotsvaga uchenjeri, 23 asi isisu tinoparidza Khirisitu adorovehwa, chigutsa chinoguhuna kuvaJudha noudzemwa kuno vasiri vaJudha, 24 asi kuno vadodaidziwa, vese vaJudha novaGiriki, Khirisitu isimba raMwari nouchenjeri hwaMwari. 25 Ndava udzemwa hwaMwari hudochenjeretsa kukunda uchenjeri hwovanhu, nokuvhuwa kwaMwari kudosimbitsa kukunda simba rovanhu.

26 Hama fungai kudaidziwa kwenyu kuti, mbazinjiba vanga vadochenjera maererano nochipimo chonyika, mbazinjiba vanga vano masimba, mbazinjiba vadozvahwa nochiremera. 27 Asi Mwari adosarudza zvoudzemwa munyika kuti anyadzise vadochenjera, Mwari adosarudza zvidovhuwa munyika kuti anyadzise zvidosimba, 28 Mwari adosarudza zvidoderera nozvinozvidziwa munyika, izvo zvinhu pasina, kuti asaise basa zvinhu zviripo, 29 kuti parege kuva nomunhu angazvikudze pamberi paMwari. 30 Mwari adokuitai kuti muve muna Khirisitu Jesu. Uye Khirisitu adoitiwa naMwari kuti ave uchenjeri hwedu. Khirisitu adotiita kururama, nokuchenesewa uye nokutidzikinura. 31 Nokudaro, fanike kunyohwa kwazvidoitiwa kuti, "Anoda kuzvirumbidza, mbaazvirumbidze muna Ishe."

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-