1 Aya ndiyo maonero munhu yaanofanira kutiita, sevaranda vaKhirisitu novachengetedzi vozvidosvisvika zvaMwari. 2 Pakare zvinodiwa kuti vachengetedzi vawanike vadotendeka 3 Asi kwandiri chinhu chidiki maninge kuti nditongewe naimimi kana nodare ripi zvarene rovanhu. Ndava kana nainini pachangu ndinozvitongaba. 4 Handinai chinhu chandinoziva chinopesana pandiri, asi zvakarezvo zvinondisununguraba. Ishe ndivo vanonditonga. 5 Saka rekai kutaura mutongo nguwa isinati yasvika, asi mirirai kusvikira Ishe vauya, ndivo vanodzoisa pachenu zvinhu zviri murima zvidohwanda iyezvino nokudzofukunura zvinangwa zvomwoyo. Ipopo munhu wese achatambira pembedzo yache kubva kuna Mwari.
6 Hama, ndashandisa zvese izvi ndichizvienzanisa inini naAporo, semuenzaniso kwamuri kukudzidzisai zvinoreva mutauro uyu, "Rekai kupindiridza zvidonyorewa" kuti pareke kuva noumwe wenyu anosasuka kufarira umwe achisiya umwe wacho. 7 Anga mbani anokupasa simba rokutonga vamwe? Chii chaunacho chausinai kutambira? Kana udochitambira, unozvikudzirei kunge changa chisiri chipo?
8 Mudotowana kare zvese zvamunoda! Mudotopfuma kare! Nokusavapo kwedu matova madzimambo! Ndaida kuti dai muri madzimambo zvenyu, kuti tikovane utongi naimimi! 9 Ndava ndinofunga kuti Mwari adotitanika isisu nhumwa kuva vokupedzisira kwomudungwe wovese, kunge vanhu vadotongehwa ipfa, ndava tava chinonangaritsiwa nonyika, nongirozi novanhu. 10 Tiri madzemwa nokuda kwaKhirisitu, asi imimi mudochenjera muna Khirisitu. Tidorukutika, asi imimi mudosimba. Imimi munokudziwa, asi isisu tinozvidziwa. 11 Kusvika zvino tinonzara nonyota, tinotsiku futi tinobutiwa tisinai pokugara, 12 tinoshanda, tichizvibatira nomaoko yedu. Patinotukaniwa, tinoropafadza, patinotambudziwa, tinotsungirira. 13 Patinofudziwa, tinopindura nounyoro. Tava manyara, futi izvozvi tiri manyara yonyika, panotaihwa tsambwa yese.
14 ndinonyoraba zvakarezvi kuti ndikunyadzisei, asi kuti ndikurairei sevana vangu vanodikana. 15 Ndava kana nepo munozviuru zvovarairiri muna Khirisitu, hamunai anababa vadowanda. Ndava ndidova baba venyu muna Khirisitu Jesu kuburikidza novhangeri. 16 Ndinokukumbirai, kuti muve vateedzeri vangu. 17 Nokudaro ndidotuma Timoti, mwana wangu anodikana uye adotendeka muna Ishe, kuti akuyeuchidzei nzira dzangu muna Khirisitu, semadzidzisiro yandinodziita kwese mukherekhe dzese.
18 Vamwe vaakuzvikudza kunge ndisiri kuuya kwamuri. 19 Asi ndichauya kwamuri nokamangu, kana Ishe vachida, ipopo ndichaziva aikona manyairiro chete yovanhu vakareva vanozvikudza, asi norudzi rosimba ravanaro. 20 Ndava umambo hwaMwari hahusi mukutaura asi musimba. 21 Chii chamunoda? Ndiuye kwamuri nomushamu chere, kana norudo mumweya wounyoro?