Publicidade

1 Coríntios 12

Zvipo zvaMweya Mutsvene

1 Hama dzangu, kana zviri zvipo zvomweya,

ndinodaba kuti muve vasingazive. 2 Munoziva kuti pamanga musati mava vatendi, maitsambutsihwa kuzvifananidzo zvisingataure, muchifambisiwa nonzira dzese dzese. 3 Nokudaro ndinoda kuti munzvitsitse kuti hapanai anotaura noMweya waMwari angati "Jesu mbaashurikidziwe!" uye hapanai angati "Jesu ndiShe" asi noMweya Mutsvene.

4 Zvino pano marudzi yozvipo yadosiyana, asi Mweya mubodzibodzi, 5 uye pano marudzi yokushumira yadosiyana, asi Ishe mubodzibodzi, 6 uye pano marudzi yadosiyana yokushanda, asi ndiMwari mubodzibodzi anopasa kugona zvese muvanhu vese. 7 Umwe noumwe adopasiwa kuzururira kwoMweya kuti zvibatsire vese. 8 Kuno umwe adopasiwa naMweya kunyaira kwouchenjeri, kuno umwe kunyaira kworuzivo kuburikidza naMweya mubodzibodzi, 9 kuno umwe kutenda naMweya mubodzibodzi, kuno umwe zvipo zvokuporesa naMweya mubodzibodzi, 10 kuno umwe mabasa yominana, kuno umwe kuporofita, kuno umwe kugona kusiyanisa mweya, kuno umwe marudzi mazinji yondimi, kuno umwe kududzira ndimi. 11 Zvese izvi zvinofemehwa naMweya mubodzibodziyo, anopereka sezvaanoda kumunhu nomunhu.

Muviri Mubodzi unoNhengo Dzizinji

12 Ndava sezvidondoita muviri kuti mubodzi asi unonhengo dzizinji, dzese dziri nhengo dzomuiri, kana dzidowanda zvadzene, dzinondova muviri mubodzi, ndizvo zvidoita Khirisitu. 13 Ndava noMweya mubodzi tese tidoombekewa mumuviri mubodzi vaJudha kana vaGiriki, varanda kana vadosununguka uye tese tidomwa paMweya mubodzi.

14 Ndava muviri unoumbiwaba nonhengo ibodzi asi dzizinji. 15 Kana tsoka ikati, "Ndava handisi ruoko, handisi womuviri," zvakarezvo zvinoiitaba kuti ireke kuva chikamu chomuviri. 16 Uye kana nzeve ikati, "Nondava yokuti handisi ziso, handisi womuviri," zvakarezvo zvinoiitaba kuti ireke kuva chikamu chomuviri. 17 Dai muviri wese waiva ziso, ko kunzva kwaidzova poi? Dai muviri wese waiva nzeve, ko kunuhwidza kwaidzova poi? 18 Asi sezvazviri, Mwari adoronga zvidzu mumuviri, chimwe nochimwe sezvaadoda. 19 Dai zvese chaiva chidzu chibodzi, muviri waidzova poi? 20 Sezvazviri, pano zvidzu zvizinji, asi muviri mubodzi.

21 Ziso haringati kuruoko, "Handina basa newe," kana musoro kutsoka, "Handina basa nemi." 22 Asi kutoti, zvidzu zvomuviri zvinoita kunge zvisinai simba ndizvo zvinokoshesewa, 23 nozvidzu zvomuviri zvatinofunga kuti zvinokudziwa pashoma tinozvikudza maninge, nozvidzu zvedu zvisingatambirike tinozvipa chiremera chikuru, 24 asi zvidzu zvedu zvinotambirika hazvinai kukoshesewa kwazvinoda. Asi Mwari adoronga muviri daro, kupereka kukudziwa kukuru kuzvidzu zvidozvidzika, 25 kuti mumuviri mureke kuva nokupesana, asi kuti nhengo dzichengetane. 26 Kana nhengo ibodzi ikashupika, dzese dzinoshupika, kana nhengo ibodzi ikakudziwa, dzese dzinofara pabodzi.

27 Zvino muri muviri waKhirisitu uye umwe noumwe wenyu inhengo dzawene. 28 Uye Mwari adoisa mukherekhe pakuthanga nhumwa, pochipiri vaporofiti, pochitatu vadzidzisi, tevere vaiti vominana, tevere varapi, vabatsiri, vatungamiri, vatauri vomarudzi mazinji yondimi. 29 Vese nhumwa nai? Vese mbaporofiti nai? Vese mbadzidzisi nai? Vese vanoita minana nai? 30 Vese vano zvipo zvokurapa nai? Vese vanotaura nondimi nai? Vese vanoturikira nai? 31 Asi nyanyitsai kuda zvipo zvinokosha.

Uye ndichakunangidzai nzira iri nani.

Veja também

Publicidade
1 Coríntios
Ver todos os capítulos de 1 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-