Publicidade

2 Coríntios 4

Pfuma yoPamweya muMarongo

1 Nokudaro, zvatinoushumiri hwakarehu notsitsi dzaMwari, hatiori mwoyo. 2 Tidoramba zvinonyadzisa zvonzira dzokabisira, tinoramba kuita mambere kana kutsautsira shoko raMwari, asi tinoisa chokwadi pachenu, hana yomunhu wese ichitambira kuzvipupurira kwedu pamberi paMwari. 3 Uye kana vhangeri redu ridosvisvika, ridondosvisvika chete kuna ivo vari kuparara. 4 Kwavari mwari wonyika ino adopofomadza pfungwa dzovasingatende, kuti vareke kuona chiedza chovhangeri rokubhwinya kwaKhirisitu, anova iye mufananidzo waMwari. 5 Ndava hatizviparidzi isu pachedu, asi Jesu Khirisitu saIshe, uye isisu sevaranda venyu nokuda kwaJesu. 6 Ndava Mwari adoti, "Chiedza mbachivhenekere kubva murima," ndiye adovhenekera mumwoyo medu kuti atipase chiedza chokuziva kubhwinya kwaMwari kuri pachiso chaKhirisitu.

7 Asi pfuma iyi tinayo mumidziyo yoivhu, kunangidza mukungudziro woukuru hwomasimba kuti yanobva kuna Mwari aikona kwatiri. 8 Tinotambudziwa nonzira dzese, asi hatinai kuthachuriwa, kushungurudziwa, asi tisingapere tariro, 9 tinotambudziwa, asi tisinai kusiiwa, tinongwoshehwa pasi asi tisinai kuparadziwa. 10 Nguwa yese tinotakura mumuviri wedu ipfa yaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu hunangidziwe mumuviri wedu. 11 Ndava isisu vapenyu tinogara tichiisiwa paipfa nokuda kwaJesu, kuitira kuti upenyu hwaJesu huratidziwe mumuviri wedu unopfa. 12 Nokudaro ipfa inobata matiri, asi upenyu hunobata mamuri.

13 Sezvo tino mweya mubodzi bodziyo wokutenda sezvidonyohwa mugwaro, "Ndinotenda, ndokusaka ndidotaura," naisisuwo tinotenda, saka tinotaura, 14 Nondava yokuti tinoziva kuti iye adomutsa Ishe Jesu kuvadopfa achatimutsawo naJesu achitiisa pamberi pache pabodzi naimimi. 15 Ndava zvese zvinoitiwa nondava yenyu, kuitira kuti mutsa padzinosvitsiwa kuvanhu vazinji dziingidzire kupereka kutenda kukubhwinya kwaMwari.

Kurarama noKutenda

16 Saka hatiori mwoyo. Kana munhu wedu wokunze achiperezeka zvache, munhu wedu womukati anovandudziwa zuva nozuva. 17 Ndava kutambudzika kwedu kwonguwa ino kudoreruka kuri kutiendesa pakubhwinya kusingapere kuno chiremera chinokunda zvese. 18 Ndava hatinangare kuzvinhu zvinooneka, ndava zvinooneka nzvonguwa idiki, asi zvisingaoneke nzvarini narini.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-