Publicidade

2 Coríntios 11

Phauro noNhumwa Dzomabhwodo

1 Ndaida kuti mundiitire mwoyo murefu pashoma paudzemwa hwangu. Tondiitirai mwoyo murefu wacho! 2 Ndinokunzvirai chanje youmwari, ndava ndidokukonzerai Khirisitu kuti ndikusvitsei semusikana adochena kumurume wache mubodzi anova Khirisitu. 3 Asi ndinocha kuti sezvo nyoka idonyengedza Evha nomambere yayene, pfungwa dzenyu dzingataike kubva pakuperera kwomwoyo udochena muna Khirisitu. 4 Ndava kana umwe akauya achiparidza umwe Jesu adosiyana nowatinoparidza, kana kukutambidzai mweya udosiyana nowamudotambira, kana kukugamuchidzai rimwe vhangeri risiri ramudogachira, munotozviitira mwoyo murefu udokwana.

5 Ndinofunga ndiriba mudiki wokupedzisira panhumwa vadokudzitsiwa. 6 Kana zvazvo ndisiri shasha pakutaura, asi ndinoziva idozviisa pachenu kwamuri nonzira dzese.

7 Ndidoita chitadzo nai pakuzvibata uyanga kuitira kuti mukwiridzihwe, ndava ndidoparidza vhangeri raMwari pasinai chamaibhadhara? 8 Ndidopamba dzimwe kherekhe nokutambira kwandaiita rutsigiro kubva kwadziri kuitira kuti ndigone kukushumirai. 9 Uye pandaiva nemi ndiri pakusaya, handinai wandidoremedza, ndava zvandaisaya ndidozvipasiwa nohama dzidobva kuMesodhoniya. Saka ndidoreka uye ndicharekera kukuremedzai nomutoo upi zvawene. 10 Sekuvapo kwochokwadi chaKhirisitu mandiri, kuzvirumbidza kwangu uku hakusi kudzonyaradziwa mumatunhu yoAkaya. 11 Nondava yei? Indava yokuti ndinokudaiba chere? Mwari anoziva kuti ndinokudai!

12 Uye zvandinoita ndicharamba ndichizviita, kuitira kuti ndigwatidze kutaura kwoavo vanoda kutaura vachizvirumbidza kuti vanoshanda zvidofanana nozvatinoita. 13 Ndava vanhu vakarevo nhumwa dzomabhwodo, mbashandi vanonyengera, vanozvisandura kunge nhumwa dzaKhirisitu. 14 Uye zvinoshamisaba, ndava naiye Sathani anozvisandura sengirozi yochiedza. 15 Saka hazvishamise kana varanda vache vachizvisandurawo sevaranda vokururama. Magumo yavo yachaenderana nozviito zvavo.

Kutambudzikira uNhumwa kwaPhauro

16 Ndinodzokerera, mbaparege kuva nomunhu anofunga kuti ndiri dzemwa, kana zviri izvo zvamunofunga kuti naininiwo ndizvirumbidzewo pashoma. 17 (Zvokuzvirumbidza nokuzvitenda zvandiri kunyaira ndinozvinyairaba zvichibva kuna Ishe asi fanike ndiri dzemwa. 18 Sezvo vazinji vachizvirumbidza nomutoo wonyika, naininiwo ndichazvirumbidza). 19 Ndava munofarira kuita mwoyo murefu nomadzemwa, sezvo imipa muri vadochenjera! 20 Ndava munoita mwoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana kukuphonyedzai, kana kukutsotsai, kana akazvikudza, kana kukurovai nombama. 21 Ndinozvishora, regai ndidaro, tanga tidovhuwa maninge pazvakarezvo!

Chese munhu chaangade kuzvirumbidza nacho - ndinotaura kunge dzemwa - naininiwo ndinozvirumbidza nacho. 22 Ivo mbaHebheru chere? Kana nainini. MbaIzirairi chere? Naininiwo. Mbana vaAbhurahamu chere? Naininiwo. 23 Mbaranda vaKhirisitu chere? Ndiri kunyaira kunge ndinopenga asi ndiri muranda ari hasa kukunda ivo! Ndidoshanditsa, ndidoisiwa mutorongo kazinji, ndidorohwa kasingaverengeke, kusvika pakuda kupfa kazinji. 24 Kashano ndidoshapuriwa nomaJudha shamhu makumi matatu nodzipfemba. 25 Ndidorohwa notsvimbo katatu, ndokudzotemewa nomatombo kabodzi. Ndidodzoita tsaona nochikepe katatu, nokudzopedza masikati nousiku ndiri mumvura. 26 Ndaimbondoita hwendo, ndichiita njodzi patuhwizi, njodzi kumakororo, njodzi pavanhu vokwangu, njodzi pano vodzimwe Ndudzi, njodzi muguta, njodzi mugwenga, njodzi pagungwa, njodzi pahama dzokunyepera. 27 Ndidoshanda ndichitambudzika futi kadowanda handinai kuenzera, ndidoziva kuva nonzara nokuva nonyota, ndidogara ndisingaje kadowanda, ndaitonhohwa futi ndaigara ndiri pedzi. 28 Kunze kwozvakarezvi, ndinonetseka mazuva ese nokuva nohanya pamusoro pokherekhe dzese. 29 Mbani adovhuwa, ini handinai kuvhuwa? Mbani anowisiwa muchivi, inini ndotadza kushushikana?

30 Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pazvinhu zvinonangidza kuvhuwa kwangu. 31 Mwari naBaba vaIshe Jesu, iye anorumbidziwa nokusingapere, anoziva kuti ndinobhwodokaba. 32 Mutongi waiva pasi paMambo Aresitasi adochengetedza guta roDhamasiko kuti vandisunge, 33 asi ndidoburutsiwa nopafafitera pamadziro ndiri mudengu, ndikapunyuka mujanja rache.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-22_10-02-25-