1 Sevashandi pabodzi naMwari, tinokukumbirai kuti mureke kutambira mutsa dzaMwari mahara. 2 Ndava iye anoti,
"Panguwa idofanira ndidokunzva,
ndidokubatsira
pazuva roruponiso."
Nangara, zvino ndiyo nguwa idofanira, nangara, nasi ndiro zuva roruponiso.
3 Tinoisaba mugwetso munzira yomunhu, kuti pareke kuva nochipomehwa chinowanika paushumiri hwedu, 4 asi sevaranda vaMwari tinozvipupurira nonzira dzese: kuburikidza nokutsungirira kukuru, mukutambudzika, mukuomehwa, munhamu, 5 mukurohwa, mukuisiwa mutorongo, mubongozozo, mukushanda zvidooma, mukusaenzera hope, nomunzara. 6 Mumwoyochena, mukunzvitsitsa, mumwoyo murefu, mukunaka, muMweya Mutsvene, nomurudo rudoperera, 7 mukutaura chokwadi, nomusimba raMwari, tino zvombo zvokururama kuruoko roruji norubose, 8 mukukudziwa nomukuzvidziwa, mukutauhwa zvidonaka nozvidoipa. Tinobatiwa sevanyengeri, asi tiri vochokwadi, 9 kunge tisingazikane, isu tichizikana chaizvo, setiri kupfa, asi tiri kurarama, tichirohwa asi tisingabaiwe, 10 kunge tinosuwa, asi tichifara nguwa dzese, kunge varombo asi tichipfumisa vazinji kunge tisinai chatinacho, asi tino zvese.
11 Miromo yedu inotaura chokwadi kwamuri imipa vaKorinde, mwoyo yedu idozururihwa imipa. 12 Nhisuba tinoganhura rudo redu kwamuri, asi kuti ndimi munoganhura rudo renyu kwatiri. 13 Ndinotaura kwamuri sekuvana vangu, zururitsaiwo mwoyo yenyu kwatiri.
14 Rekai kubopewa pajoki ribodzi novasingatende. Nokuti kubatana rudzii kuri pakati pokururama nouipi? Kana kuyanana hwai kuri pachiedza norima? 15 Kuyanana kwei kuri pakati paKhirisitu najabhurosi? Kana iye mutendi anofanana chii noasingatende? 16 Kubvumirana hwai kuripo pakati poimba yaMwari nozvifananidzo? Ndava tiri imba yaMwari mupenyu, sezvidoreva Mwari achiti,
"Ndichagara mavari
nokufamba pakati pavo,
ini ndichava Mwari wavo,
ivo vachava vanhu vangu.
17 Nokudaro
birikai pakati pavo,
mupararane navo,
Ndizvo zvinoreva Ishe.
Rekai kubata chinotsambwa,
ini ndichakutambirai.
18 Ini
ndichava Baba venyu,
imimi muchava vanakomana novanasikana vangu,
Ndizvo zvinoreva Ishe Womasimba yese."