Publicidade

2 Coríntios 7

1 Vadikani vangu, sezvo tino zvivimbiso zvakarezvi, mbatizvisukei kubva patsambwa yese inosvipisa muviri nomweya, tiite utsvene hudokwana mukucha Mwari.

Mufaro waPhauro

2 Tizururirei mwoyo yenyu, hapanai watidotadzira, hapanai watidoondomora, hapanai watidophonyedza. 3 Izvi handizvinyairire kukupasai mhosva, ndava ndambonyaira kare kuti muri mumwoyo yedu, tinopfa pabodzi nokurarama pabodzi. 4 Ndino chivimbo chikuru nemi, ndinodada nemi zvikuru, ndinokurudzihwa chaizvo. Pamatambudziko yedu yese, mufaro wangu udopindiridza.

5 Ndava kana patidouya kuMesodhoniya, tanga tisinai zororo asi taitambudziwa pesepese - kuhwisiwa kuri kunze, kucha kuri mukati. 6 Asi Mwari, anonyaradza vadotsikirihwa, adotinyaradza nokuuya kwaTito, 7 aikona nokuuya kwache kwega asi nokunyaradza kwaadonyaradziwa kwaadowana kwamuri, adotinyepa chisuvo chenyu, kurira kwenyu, noshungu dzenyu pamusoro pangu, zvokuti ndidokungudza kufara.

8 Kana zvazvene ndidokusuwisai notsamba rangu, handikunguri nazvo (kana zvazvene ndidozvidemba), ndava ndinoona kuti tsamba rakarero ridokusuwisai, zvokanguwa kadiki chete. 9 Zvino, ndinofara, aikona nochikonzero chokuti mudosuwisiwa, asi nokuti kusuwa kwenyu kudokupasai kupinduka, ndava mudova nokusuwa kwoumwari, zvokuti hamunai chamudosaya nesu. 10 Ndava kusuwa kwoumwari kunozvara kupinduka kunouyisa ruponiso pasinai kuzvija mwoyo, asi kusuwa kwonyika kunozvara ipfa. 11 Chionai kuti kusuwa kwakareku kwoumwari kudouyisa chii kwamuri, kudouyisa kushingaira zvidonyanya, futi kuditsa kuti zvese zvijeke pamusoro penyu, kudodzouyisa kukaripa kudonyanya, nokunyanyitsa kuzviisa pachenu, kuva nochisuwo chikuru, kuva nohanya kudonyanya, kuzvigadzirira kuita zvidonakira vese kudonyanya! Mudonangidza kuti pamamiriro yese pano zvakarezvi hamunai mhosva.

12 Saka kana ndidokunyorerai zvangu, zvidoitihwaba iye nyakutadza, kana nyakutadzihwa, asi kuti shungu dzenyu pamusoro pedu dzinangidziwe pamberi paMwari. 13 Nokuda kwozvakarezvi tidonyaradziwa.

Pamusoro pokunyaradziwa kwedu tidofara maninge tichiona mufaro waTito, ndava pfungwa yache idodekhadziwa nemi mese. 14 Ndava kwaari ndaimbodada nemi, uye hamunai kundinyadzisa. Asi semanyairihwo yazvene zvese zvanga zviri zvochokwadi, saka kudada kwedu kuna Tito kudoratidza kuvawo kwochokwadi. 15 Uye kukudai kwache kwatosokoka paanoyeuka kuti mese manga muchiteerera, muchimutambira nokucha nokutetemera. 16 Ndinofara kuti ndinokwanisa kuva nochivimbo naimimi pazvese.

Veja também

Publicidade
2 Coríntios
Ver todos os capítulos de 2 Coríntios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-