1 Khirisitu adotisunungurira rugare, saka mirai mudojirichira, mureke kuzviisa kamu pauranda.
2 Manje inipano Phauro, ndinoti kwamuri kana mukatambira kuchecheudziwa, Khirisitu haachinai chiyamuro kwamuri. 3 Pakare ndinonyairira munhu wese anotambira kuchecheudziwa kuti anomanikidzihwa kuchengeta mutemo wese. 4 Iyemi munoda kururamisiwa nomutemo makwachuriwa kubva pana Khirisitu, mambwera kubva pamutsa. 5 Ndava kuburikidza noMweya tinomirira nokutenda kururama kwatinotariro nako. 6 Ndava muna Khirisitu Jesu kuchecheudziwa kana kusachecheudziwa, hazvinai nokabonyo kese, asi chinokosha kutenda kunoshanda kuburikidza norudo.
7 Maitizira zvidonaka! Mbani adokurambidzai kuteerera chokwadi? 8 Kupenzveredzewa kudodaiku hakunai kubva kuna Mwari adokudaidzai. 9 Mbiriso ishomashoma inofufumisa mukanyiwa wese. 10 Ndichinochokwadi muna Ishe kuti hamungatore yamwe maonero. Iye ari kukuvhiringidzai, zvisinei kuti mbani, achawana mutongo wache.
11 Hama, dai ndichiri kuparidza kuchecheudziwa, zvino ndinotambudzihwei? Dai zviri izvo chigumburo chomuchinjikwa chinenge chabisiwa peno. 12 Ndinotoda kuti dai vanokunyonganisaivo vasvike pakutozvisunura!
13 Hama mudodaidzihwa rusununguko. Asi chete rekai kushandisa kusununguka kwenyu semukana wokufadza muviri. Asi kuburikidza norudo ivai vanoshandirana. 14 Nokuti mutemo wese unozazisiwa noshoko ribodzi rinoti, "Unofanira kuda muvakhidzani wako sekuda kwaunozviita." 15 Asi kana muchirumana nokujana kunge mhuka, natsai kuti mureke kupedzana.
16 Asi ndinoti, fambai muMweya, kuti mureke kugutsa zvido zvonyama. 17 Ndava zvido zvonyama zvinopesana nozvido zvoMweya. Ndava zviiri zvakarezvi zvidotsvatsvana, kuti zvimbokutadzisai kuita zvamunoda. 18 Asi kana muchitungamirihwa noMweya hamusi pasi pomutemo.
19 Manje zviito zvounhu hwokare zviri pachenu zvinoti, upombwe, utsambwa, ubatabata, 20 kushopera, uroyi, kutsvatsvana, kudzongonyedza, chanje, ukari, umbimbindoga, kukamurana, zvikwata zvikwata, 21 kunyangarihwa, kuraradza, undaradzi nomitambo idofumuka, nozvidofanana nozvakarezvi. Ndinokuchenjedzai, sezvandidomboita, kuti vanoita zvidodarozvo vanojaba nhaka youmambo hwaMwari.
22 Asi chibereko choMweya ndiro rudo, mufaro, runyararo, mwoyo murefu, tsitsi, kunaka, kutendeseka, 23 kupfava nokuzvibata. Hapanai mutemo unopesana nokuita kudodai. 24 Futi avo vari vaKhirisitu Jesu vadoroverera unhu hwokare pabodzi nokuchiva kwayene nozvido zvayene. 25 Kana tichirarama tiri muMweya, mbatitongewewo noMweya. 26 Mbatirekei kumbozvikudza, kana kumbosorana kana kuitirana usvinu.