Publicidade

Gálatas 2

Phauro noDzimwe Nhumwa

1 Zvino pasure pomakore gumi nomanai ndidoenda kamu kuJerusarema ndina Bhanabhasi, naTito ndidomutorawo tichienda pabodzi. 2 Ndidoenda ndaita kuzururihwa, ndokusangana muchihwande naivo vainzi vatungamiri ndichivatsanangurira vhangeri randinoparidza pakati povasiri vaJudha. Ndichiitira kuti ndive nochokwadi kuti kutizira kwandidoita nokwandichiri kuita kureke kuva kwomahara. 3 Asi Tito, wandanga ndinaye kana zvache ari muGiriki, haanai kusukumidziwa kuti achecheudziwe, 4 asi nyaya yakarei idomuka nondava yokuti vamwe vaiva hama dzomabhwodo vadoverevedza kuti vaongorore kusununguka kwatinako muna Khirisitu Jesu. Vachida kutiita varanda, 5 Nokuda kukuchengeterai chokwadi chovhangeri, hatinai kubvuma kana nopadiki pese.

6 Kana vari avo vaiita sevatungamiri—ndinodaro ndava zvavanga vari hazvinai musiyano kwandiri, Mwari haatonge nokuona zviri kunze—vanhu vakarevo havanai chavadoingidzira panozvandinoparidza. 7 Panokuti zvidaro, vadotoona kuti ndidovimbiwa naMwari pabasa rokuparidza vhangeri kunovasiri vaJudha, kunge kuvimbiwa kudoitiwa Pita kuvaJudha. 8 Ndava iye Mwari waishanda muunhumwa hwaPita senhumwa yovaJudha, ndiye waishanda mandiriwo senhumwa kunovasiri vaJudha. 9 Saka Jakobho, Kefasi naJohwani, avo vaitorewa sembiru, pavadoona mutsa udopasiwa kwandiri, vadonditambira inini naBhanabhasi nomwoyo wese kuti tiyanane navo paushumiri. Tidobvumirana kuti isisu tiende kunovasiri vaJudha ivo vachienda kuvaJudha. 10 Vadotikumbira kuti tirambe tichiyeuka varombo basi, chiriwo chinhu chandagara ndichiditsa kuita.

Phauro anoDzuma Kefasi paAndiyoki

11 Asi Kefasi paadouya kuAndiyoki, ndidomupikisa pachena, ndava waidzonga. 12 Ndava varume vadobva kuna Jakobho vasinati vauya, waija novatendi vasiri vaJudha. Asi pavadouya, adothanga kusuduruka achizvikamura kubva kwavari, achicha vaJudha vokuchecheudziwa. 13 Vamwe vatendi vochiJudha vadobatanawo naye paunyengeri hwache, zvokuti naBhanabhasi adotsambutsiwawo nounyengeri hwavo. 14 Asi pandidoona kuti havasi kutekaira pamutsetse unoenderana nochokwadi chovhangeri, ndidoti kuna Kefasi pamberi pavo vese, "Iwepa uri muJudha, asi wanga uchirarama kunge usiri muJudha aikona semuJudha. Ko zvino sei uri kusukumidza vasiri vaJudha kutevera tsika dzovaJudha?"

Vese Vanoponesewa noKutenda

15 Isisu vaJudha pakuzvahwa, tisiri pautadzi hwokusava vaJudha, 16 tinoziva kuti munhu haaruramisiwe nomabasa yomutemo asi kuburikidza nokutenda muna Khirisitu Jesu, kuitira kuti naisisuwo tiruramisiwe nokutenda muna Khirisitu, aikona nomabasa yomutemo. Ndava hapanai acharuramisiwa nomabasa yomutemo. 17 Zvino kana tichitsvaga kururamisiwa muna Khirisitu, isisu vaJudha toonewa tiri pakati povatadzi, hazvinangidze chere kuti Khirisitu anokurudzira chitadzo? Neye, zvakarezvo ndizvoba! 18 Kana ndathanga kuvaka kamu chimiso chomutemo chandidombopaza, zvava kuoneka kuti ndiri kuchorawo mutemo. 19 Ndava kana uri mutemo, ndidopfa kwauri, kuitira kuti ndiraramire Mwari. 20 Ndidoroverehwa kubodzi naKhirisitu, ndiniba ndichiri kurarama, asi Khirisitu anorarama mandiri. Upenyu hwandinorarama izvozvi mumuviri ndinohurarama nokutenda muMwanakomana waMwari, adondida ndokuzvipereka nokuda kwangu. 21 Handitadzise mutsa waMwari, ndava kana kururama kuchiwanika kuburikidza nomutemo, Khirisitu adopfira mahara!

Veja também

Publicidade
Gálatas
Ver todos os capítulos de Gálatas
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-15_21-32-39-