1 Zvino imipa, pamanga mudopfa muzvinyangadzo nozvitadzo zvenyu. 2 Muchitekaira makaremo, muchitevera gwara ronyika ino, muchitevera mutongi wosimba romumhepo, mweya uri kushanda izvozvi muvanakomana vasingateerere. 3 Tese tidomborarama tiri pakati pavo mukuchiva kwonyama yedu, tichitevera zvido zvomiviri nopfungwa, pamamiriro taitova vana vokumwamwihwa, fanike vazinji voyamwe marudzi.
4 Asi Mwari adopfuma patsitsi, zvichibva parudo rikuru raadotida naro, 5 kana zvazvene tanga tidopfa kuburikidza nozvitadzo zvedu, adotiraramisa pabodzi naKhirisitu tidoponesewa nomutsa. 6 Mwari adotimutsa pabodzi naye, ndokutigarisa pabodzi naye kunzvimbo dzokudenga muna Khirisitu Jesu, 7 kuti panguwa inouya adzonangidza kupfuma kusingayereke kwomutsa wache kwatiri muna Khirisitu Jesu. 8 Nokuti mudoponesewa nomutsa kuburikidza nokutenda, zvisingabve kwamuri, asi nzvochipo chaMwari peno, 9 nzvomabasaba, kuti kureke kuva nomunhu anozvikudza. 10 Nokuti tiri basa romanja yache, tidosikiwa muna Khirisitu Jesu kuti tiite mabasa yadonaka, yadonhadzihwa kare naMwari, kuti tiyaite.
11 Saka yeukai kuti kare imipa vokuzvahwa musiri maJudha, muchidaidziwa kuti vasinai kuchecheudziwa naivo vanozvidaidza kuti vokuchecheudziwa, zvinova zvinhu zvidoitiwa nomanja pamuviri. 12 Yeukai kuti panguwa yakareyo manga mudopararanisiwa naKhirisitu, mudokamuhwa muchibiritsiwa kunzvahwa dzovaIzirairi, muri vatohwa kuzvibvumirano nokuno zvidovimbisiwa. Manga musinai tariro futi musinai Mwari panyika. 13 Asi zvino muna Khirisitu Jesu imipa manga muri kurefurefu mudonyedzewa papfupi nogazi raKhirisitu. 14 Nokuti ndiye rugare redu, adoita vairi kuti vave munhu mubodzi, futi adokoromora madziro yoruvengo yanga yachikonzera kutsvatsvana, 15 nokuparadza mutemo nomurairo, kuti asike maari munhu mubodzi mutsva panzvimbo yovairi, achiita rugare nozvakarezvo, 16 kuti mumuviri mubodzi atiyananise naMwari tese kuburikidza nomuchinjikwa, naiwo wopedza ruvengo. 17 Futi adouya koparidza rugare kwamuri imipa manga muri kurefurefu norugare, kunaivovo vanga vari papfupi. 18 Ndava kuburikidza naiye tese tinowana mapindiro kuna Baba noMweya mubodzi.
19 Saka ipopa hamuchava varendo novatohwa, asi zvino mava nzvahwa pabodzi novatsvene nonhengo dzoimba yaMwari, 20 mudovakhiwa pamusoro ponheyo dzonhumwa novaporofiti, Khirisitu Jesu pachake ari dombo ropakhona. 21 Maari chivakwa chese chidobatana pabodzi futi chinokura chichiva imba itsvene muna Ishe. 22 Maari naimimiwo mudovakhiwa kuti muve nzvimbo inogara Mwari muMweya.