1 Naizvozvo ivai vateveri vaMwari, fanike vana vanodiwa, 2 futi tekairai murudo, sekudiwa kwatidoitiwa naKhirisitu ndokuzvipira nondava yedu, kunge chipiriso chohwema hunonushira kuna Mwari.
3 Asi upombwe noutsambwa hwese kana nhafu mbazvirege kunzvika kuti zviri pakati penyu, mbapandova nozvidokodzera pakati povatsvene. 4 Mbapareke kuva noutsambwa, nokunyaira kudofumuka kana kwokupusa, zvinova zvisingakodzere, asi panzvimbo yozvakarezvo mbapave nokupereka kutenda. 5 Ivai nochokwadi chokuti, hapanai mhombwe kana munhu woutsambwa, kana anonhafu (munhu adodaroyo munamati wozvifananidzo), haangave nonhaka muumambo hwaKhirisitu nohwaMwari.
6 Mbakureke kuva noanokufurirai nomazvi yomangamanga, ndava ukari hwaMwari hunotouya nozvakarezvo, pamusoro povana vasingatetekere. 7 Saka rekai kuwadzana navo, 8 Ndava manga muri rima, asi zvino mava chiedza muna Ishe; tekairai kunge vana vochiedza 9 nokuti muchero wochiedza unowanika munozvese zvidonaka nozvidokohoroka nomuchokwadi. 10 Edzai kupfunda kuita zvinofadza kunaIshe. 11 Regai kubatanidzihwa nomabasa yorima yasinai zvibereko, asi pachinzvimbo chozvakarezvo, zviisei pachenu. 12 Ndava zvinonyadzisa kutaura zvinhu zvavanoita padohwanda, 13 asi kana chinhu chipi nochipi chaisiwa pachenu nochiedza chinooneka. 14 Nokuti chese chinooneka chava chiedza saka zvinonyaihwa kuti,
"Muenzeri, muka,
futi muka kuvadopfa,
Khirisitu achakupasa chiedza."
15 Chenjererai matekairiro yamunoita, aikona kuita kunge madzemwa asi itai kunge vadochenjera, 16 muchiita zvese zvinodikana panguwa, ndava mazuva yadoipa. 17 Saka regai kuva madzemwa, asi nzvitsitsai kuti kuda kwaIshe nghupi.
18 Futi rekai kukorewa nowaini, ndava ndipo panokutadza kuzvibata; asi zaziwai naMweya, 19 mutaurirane mumaphisarema nonziyo nozvimbo zvomweya, muchiimba muchiita mumwoyo wenyu wese zvinobuya kuna Ishe, 20 nguwa dzese pazvinhu zvese pasai kutenda kuna Mwari Baba muzita raIshe wedu Jesu Khirisitu.
21 Zvidikipisei umwe kunoumwe nokuti munoremekedza Khirisitu.
22 Vakadzi, zvidikipisei kuna varume venyu, kunge kuna Ishe. 23 Ndava murume ndiye musoro womunhikadzi fanike Khirisitu anova musoro wokherekhe, unova muviri wache, futi iye ndiye Muponisi wayene. 24 Fanike kherekhe iri pasi paKhirisitu, saka vakadzi mbavavewo pasi povarume vavo pano zvese.
25 Varume, idai vakadzi venyu, fanike Khirisitu adoda kherekhe ndokuzvipereka nondava yayene, 26 kuti ainatse, aitsvindise nokuishambidza nomvura pashoko, 27 kuti aipereke kwaari pachake iri kherekhe inobhwinya, isinai kadondorozi kana kuunyana kana chimwewo chinhu chidodaro, kuti ive itsvene isinai chinoshoreka. 28 Zvidodaro vanhurume mbavadewo vakadzi vavo fanike miviri yavo chaiyo. Anoda mukadzi wache anozvidawo. 29 Nokuti hapanai munhu anovenga muviri wache, asi anouposha nokuuchengeta, fanike zvinoitiwa kherekhe naKhirisitu, 30 ndava tiri nhengo dzomuviri wake. 31 "nochikonzero chakarechi munhurume achasiya baba vache namaache wobatanidziwa nomukadzi wache, vairi vakarevo vachava muiri mubodzi." 32 Chidohwanzika chakarechi chidodzama zvidonyanya, asi ndiri kureva zvaKhirisitu nokherekhe, 33 zvidodaro, umwe noumwe mbaade mukadzi wache kunge kuzvida kwaanoita, futi munhikadzi mbaone kuti anoremekedza murume wache.