Publicidade

Efésios 4

Kubatana Komuviri

1 Zvino inipano, ndiri mutorongo nokuda kwaIshe, ndinokukumbiritsai kuti murarame upenyu hunoenderana nokudaidziwa kwamudoitiwa, 2 muve nokuzvideredza kwese muchizvininipisa, munokutsungirira, nokuitirana mwoyo murefu murudo, 3 Vavarirai chaizvo kuchengeta kubatana kwoMweya muchisungo chorugare. 4 Kuno muviri mubodzi noMweya mubodzi, sezvamudodaidziwawo kutariro ibodzi yokudaidziwa kwenyu, 5 Ishe mubodzi, kutenda kubodzi, ruombeko ribodzi, 6 Mwari mubodzi naBaba vedu tese, ari pamusoro pozvese kuburikidza nozvese futi muno vese.

7 Asi mutsa udopiwa kuno umwe noumwe wedu zvichienderana nochiyero chokupa kwaKhirisitu. 8 Saka zvinotauhwa kuti,

"Paadokwira kumusoro

adotungamira vasungwa, futi

adopasa zvipo kuvanhu."

9 Kunyaira kuti "Adokwira," zvinorevei izvozvo asi kuti adoburuka pakare kunzvimbo dzidonoka dzonyika? 10 Iyeyo adoburuka ndiye adokwira pakare kumusorosoro kwodenga rese, kuti azaze zvinhu zvese. 11 Zvipo zvache nzvokuti, vamwe vave nhumwa, vamwe vaporofiti, vamwe vaparidzi, vamwe vafundisi vamwewo vadzidzisi, 12 kuitira kuti vatsvene vave vadokwana vanogona kuita basa rokushumira, vachivakha muviri waKirisitu, 13 kusvikira tese tava vabodzi pakutenda nopakuziva mwanakomana waMwari, tichiva vakuru pazera, nopachiyero chokuzara kwomumhu waKhirisitu. 14 Kuti tirege kuramba tiri vacheche, vokumbondogwididzihwa nokusundiwa nomhepo yese yese yodzidziso, nokufurira kwovanhu, nonzeru dzomambere yadoipa. 15 Asi kuti, titaure chokwadi murudo, tinofanira kukura maari pazvese, iye Khirisitu musoro, 16 kubva paari muviri wese, unobatanidziwa nokusunganidziwa pabodzi zvichiitiwa nonhengo imwe noimwe kuburikidza nozvainopasa, kana nhengo imwe noimwe ichishanda zvidonaka, zvokonzera kukura kwomuviri nokuzvivakha kwawene murudo.

Upenyu Hutsva muna Khirisitu

17 Zvino ndinosimbisa zvakarezvi nokupfakaza muna Ishe, kuti muchirekera kuita magariro yadofanana nowoyamwe marudzi, vanogara muudzemwa hwopfungwa dzavo, 18 vadoputihwa pakunzvitsitsa kwavo, vatohwa paupenyu hwaMwari nondava youdzemwa huri mavari, nondava yokuoma kwavo mwoyo, 19 vadova vanonyadzisa futi vadozvipira kuzvinhu zvomufumu, vachiita zvese zvoutsambwa nomarudzi yese yonhafu.

20 Hamunai kudzidza Khirisitu nonzira idodaro! 21 kana mudonzva pamusoro pache futi mudodzidza maari, chokwadi sezvachiri muna Jesu. 22 Sunhurai unhu hwokare hunova hwomararamiro yokare yadoora nondava yokuchiva kunofurira, 23 moitiwa vatsva mumweya nomupfungwa dzenyu, 24 mosimira unhu hutsva, hudosikiwa mumufananidzo waMwari mukururama kwochokwadi noutsvene.

25 Naizvozvo, munhu wese mbaabiritse mabhwodo, munhu wese mbaataure chokwadi kumabiyake, ndava tese tiri nhengo dzomuviri mubodzi. 26 Karipai asi regai kuita chitadzo, zuva mbarireke kudoka mudondomwamwa, 27 futi rekai kupasa nzvimbo kuna jabhurosi. 28 Mbavha mbaireke kudzoba pakare, asi mbaashandewo, aite basa nokutendeka nomaoko yache, kuti agonewo kupasa vanoda kuyamuhwa. 29 Rekai kutendera kunyaira kudonyangara kuchibirika mumiromo yenyu, asi mbakuve kudonaka kunovakha, zvichienderana nomamiriro yozvinhu, kuti kupase mutsa kunovanonzva. 30 Futi regai kugumbura Mweya Mutsvene waMwari, adoisiwa pamuri kuti ave chisimbiso kusvikira pazuva rokudzikinuhwa. 31 Kuvirai kurefu naimimi kuchenama kwese, kukaripa nokumwamwa, kupopotana noguhwa, nokurongerana zvinhu zvidoipa kwese. 32 Ivai notsitsi futi muchiyamurana, moregererana fanike kuregerehwa kwamudoitiwa naMwari muna Khirisitu.

Veja também

Publicidade
Efésios
Ver todos os capítulos de Efésios
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-