1 Asi kana uri iwewe, dzidzisa zvinoenderana nodzidziso idorurama. 2 Raira varume vakuru kuti vave vadosvinuka, vanoremekedzeka, vanozvidzora, vadorurama pakutenda, parudo, nopakutsungirira. 3 Nonzira ibodzi bodziyo dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nounhu hunoremekedzeka, vareke kuva nomakuhwa kana kuva varanda vokumwa. Vanofanira kudzidzisa zvidonaka, 4 kuti vadzidzise vakadzi vochidiki kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, 5 kuti vave vanozvidzora, vadochena, vanochengeta imba, vanotsitsi, vanozviisa pasi povarume vavo, kuti shoko raMwari rireke kushorewa.
6 Nonzira ibodzibodziyo kurudzira varume vechidiki kuti vave vanozvibata. 7 Pazvinhu zvese iwepa pachako unofanira kuvanangidza muenzaniso udonaka pamaitiro yadonaka, futi nangidza kutendeka pakudzidzisa, iva nomugariro unoremekedzeka, 8 nokunyaira kudorurama, kusingashoreke, kuitira kuti anopikisana naisisu anyadzisiwe, asaye chinhu chidoipa chokunyaira pamusoro pedu.
9 Raira varanda kuti vazviise pasi paatenzi vavo, vavafadze pazvinhu zvese vasingaite nharo, 10 kana kuvabira, asi vanangidze kutendeka kudonaka kudozara, kuti pazvinhu zvese dzidziso yaMwari Muponisi wedu iyemurike.
11 Nokuti mutsa waMwari udooneka unovigira vanhu vese kuponesewa, 12 unotidzidzisa kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvonyika, kuti tirarame tidobanganuka, tichizvidzora tidorurama, noupenyu hwoumwari munyika ino yanasi, 13 tidomirira tariro idoropafadziwa, yokuoneka kwokubhwinya kwaMwari wedu mukuru naMuponisi Jesu Khirisitu, 14 iye adozvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pazvidoipa zvese kuti azvinatsire vanhu vache chaivo, vanoshingairira mabasa yadonaka.
15 Nyaira zvinhu zvakarezvi, kurudzira nokutsiura nosimba rese. Mbakureke kuva nomunhu anokuzvidza.