1 Hama dzangu, rekai kuva vadzidzisi vadowanda, ndava munoziva kuti isisu tinodzidzisa tichanyanyitsa kutongewa. 2 Tese tinogwetsewa nomitoo idowanda. Kana munhu asingaphonye pakutaura, munhu wakareyo adokwana, anokonawo kuchengetedza muviri wache wese. 3 Patinoisa mathomu mumiromo yomabhiza kuti yatiteerere, tinokhonesa muviri wayene wese. 4 Kana kutora muenzaniso wozvikepe, kana zvidotokura sei uye zvichisundiwa nomhepo inosimba, zvinokhomutsiwa nochidzoreso chidikidiki zvichienda kunodiwa nomuchairi. 5 Ndomwenze chirimi nyhidikidiki pamuviri, asi chinozvikudza maninge.
Fungai makuriro yosango rinopisiwa nokamoto kadikidiki! 6 Kana nochirimi moto, inyika yozvidoipa pakati ponhengo dzomiviri yedu, chinosvipisa muviri wese womunhu, chinobatidza moto upenyu hwese, icho pachacho chinobatidziwa nomoto wogehena. 7 Marudzi yomhuka dzese, tushiri, zvinosvova nozvirombo zvomugungwa zvinogona kupingudziwa uye zvidombopingudziwa nomunhu, 8 asi hapanai munhu anokwanisa kupingudza chirimi. Hachidekharike pakuipa, chidozara nonduru inobaya. 9 Nochirimi tinorumbidza Ishe naBaba, nacho tinotukana vanhu, vadosikiwa mumufananidzo waMwari. 10 Kubva mumuromo mubodzi bodziyo munobirika rumbidzo nokutukana. Hama dzangu izvozvo zvinofaniraba kudaro. 11 Ko kasipiti kangabirike mvura idonaka noinochochora nai? 12 Hama dzangu, mukuyu ungabereke maorivhi, kana muzambiringa kubereka huyu? Nokasipiti komvura inochochora hakangabiritse mvura idonaka.
13 Mbani adochenjera noanonzvitsitsa pakati penyu? Mbaazvinangidze noupenyu hwache hudonaka, nozviito zvinoitiwa mukupfava kunobva pauchenjeri. 14 Asi kana ukachengeta chanje inovava nokunyangarihwa mumwoyo mako, reka kuzvirumbidza nazvo nokubhwodokera chokwadi. 15 "Uchenjeri" hudodaro hunobvaba kudenga asi ngwonyika, husiri hwomweya, ngwomashave. 16 Ndava panousvinu nokunyangarihwa, ndipo pamunowana kunyongana nokuita kwese kudoipa. 17 Asi uchenjeri hunobva kudenga chokuthanga hudochena, hunofarira runyararo, hudopfava, hunozvideredza, huzere notsitsi nochibereko chidonaka, hahunai rusaruro hahusi hwomusese. 18 Vayananisi vanojara murunyararo vanokohwa goho rokururama.