1 Saizvozvo imipa madzimai zviisei pasi povarume venyu, kuitira kuti vamwe, kana zvavo vasingatetekere shoko, vadzohwe nomuitiro womadzimai yavo pasinai shoko rarehwa, 2 kana vachiona muitiro wenyu udochena nokuremekedzeka kwenyu. 3 Runako renyu mbarireke kuva romucheno wokunze, wokurukha vhudzi nokukochekera mikufu yondarama nombacha dzinoyevedza, 4 asi mbarive runako ridohwanda risingapere romunhu womukati rokupfava nomweya udodiha, ridokosha kuna Mwari. 5 Ndava yakarei ndiyo nzira yavaizvipasa runako nayo vakadzi vatsvene vokare vanga vano tariro muna Mwari. Vaizviisa pasi povarume vavo chaivo, 6 kunge Sara, waitetekera Abhurahamu achimudaidza kuti tenzi wache. Muri vanasikana vache kana muchiita zvidokohoroka musinai chamunobvumira kuti chikuchisei.
7 Nonzira ibodzibodziyo varume nzvitsitsai vakadzi venyu, muvabate norukudzo semabiyenyu asinai simba wamunoja naye nhaka yochipo choupenyu hwomutsa, kuitira kuti minamato yenyu ireke kutadzisiwa.
8 Pakupedzisira, mese ivai nomweya wokuwirirana, itiranai tsitsi, mudanane muchiitirana mwoyo munyoro muchiyamurana nokuzvininipisa. 9 Rekai kutsiidza chidoipa nochidoipa kana kutukana nokutukana, asi panzvimbo yokutsiidza ropafadzai, nokuti zvakarezvi ndizvo zvamudodaidzihwa kuitira kuti mugare nhaka yomaropafadzo. 10 Ndava
"Wese anoda upenyu
nokuona mazuva yadonaka
anofanira kuchengeta chirimi chache kubva pazvidoipa nomuromo wache
kubva pakunyaira zvinonyengera.
11 Anofanira kubirika pazvidoipa achiita zvidonaka,
anofanira kutsvaga runyararo nokuritevera.
12 Ndava meso yaIshe yari pano vadorurama
nonzeve dzache dzidotetekera kuminamato yavo,
asi Ishe vanoperekera gotsi vanoita zvidoipa."
13 Mbani angakuhwadzisei kana muchishingairira kuita zvidonaka? 14 Kana nepo muchifanira kutambudzikira zvidorurama, mudokomborehwa. Rekai kucha kuvhundutsira kwavo, rekai kucha zvavanocha, rekai kuvhundutsiwa navo, 15 asi remekedzai Khirisitu saIshe mumwoyo menyu. Mugare mudogadzirira kupasa mhinduro kunowese anokubvunzai chikonzero chotariro yamunayo. 16 Asi zvakarezvi zviitei nokupfava norukudzo. Chengetai hana idochena kuitira kuti vanonyaira vachinyomba muitiro wenyu udonaka muna Khirisitu vanyare nomakuhwa yavo. 17 Kana kuri kuda kwaMwari hasa kuti mutambudzikire kuita zvidonaka panokuti mutambudzikire kuita zvidoipa. 18 Ndava Khirisitu adopfira zvitema kabodzi zvichibva zvakwana, adorurama panzvimbo yovasinai kururama, kuti akuisei kuna Mwari. Adobaiwa panyama asi adoraramisiwa muMweya, 19 wabva kuitiwa mupenyu mumweya adoenda koparidzira mweya iri mutorongo, 20 isinai kuteerera Mwari kare paadomirira nomwoyo murefu pamazuva yaNowa panga pachivakhiwa ngarava. Mairi vanhu vashoma vanokwana vasere basi ndivo vadoponesewa nomvura. 21 Mvura yakarei inosurudzira ruombeko rinokuponesaiwo zvino, kusiri kubisiwa tsambwa yomuviri asi kuruvira hana idochena kuna Mwari. Rinokuponesai kuburikidza nokumuka kwaJesu Khirisitu, 22 uyo adoenda kudenga futi ari kujanja roruji raMwari. Ngirozi, vakuru nomasimba zvidoisiwa pasi pache.