1 Vana vangu vadiki, ndiri kukunyorerai kuti mureke kutadza, asi pakaita anotadza, tino muretsereri kuna Baba, Jesu Khirisitu, adorurama. 2 Iye pachake ndiye chibairo chinoita kuti zvitadzo zvedu zviregerehwe, aikona zvedu basi, asi zvitadzo zvonyika yese.
3 Nozvakarezvi tinova nochokwadi chokuti tinomuziva, kana tichichengeta mirairo yache. 4 Wese anoti, "Ndinomuziva," asi asingaite zvaanoraira, iyeyo ngwomabhwodo, futi chokwadi chinogaraba maari, 5 asi wese anochengeta shoko rache, rudo raMwari ridozara maari. Nozvakarezvi tinoziva kuti tiri maari. 6 Wese anoti anogara maari anofanira kurarama fanike zvidoitiwa naJesu.
7 Hama dzangu, ndinonyoraba kwamuri umwe murairo mutsva, asi wokare, murairo wokare ndiro shoko ramudonzva. 8 Kunyange zvidodaipo ndiri kukunyorerai mutemo mutsva, chinova chokwadi maari nomamuri, ndava rima riri kupamwara futi chiedza chochokwadi chaakutovhenekera.
9 Uyo anoti ari muchiedza asi achizonda hama yache achiri murima wakareyo. 10 Wese anoda hama yache, iyeyo anogara muchiedza, makaremo hamunai chinoguhuna. 11 Asi wese anozonda hama yache, wakareyo ari murima, anotekaira murima, futi anozivaba kwaanoenda, ndava rima ridoputira meso yache.
12 Ndiri kukunyorerai vana vadiki, ndava zvitadzo zvenyu zvidoregerehwa nopamusaka pozita rache. 13 Ndiri kukunyorerai majaha ndava mudokunda adoipa. Ndiri kukunyorerai anababa, ndava munoziva iye wanga aripo kubva pakuthanga.
14 Ndinonyora kwamuri vana, ndava munoziva Baba. Ndinonyora kwamuri anababa, ndava munoziva uyo wanga aripo kubva pakuthanga. Ndinonyora kwamuri majaha, ndava mudosimba, apa shoko raMwari rinogara mamuri, futi mudokunda uye adoipa.
15 Rekai kuda nyika nozvinhu zviri mairi. Kana umwe akada nyika, rudo raMwari harisi maari. 16 Nokuti zvese zviri munyika zvinoti, kuchiva kwonyama, kuchiva kwomeso nokuzvikudza pakurarama zvinobvaba kuna Baba asi zvinobva munyika. 17 Nyika nokuchiva kwayene zvinopfuura, asi wese anoita kuda kwaMwari anogara nokusingapere.
18 Vana, yaanguwa yokupedzisira! Sezvamudonzva kuti Mupikisi waKirisitu ari kuuya, naipopa vapikisi vaKhirisitu vazinji vadouya, Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti yaanguwa yokupedzisira. 19 Vadozvikamura kubva kwatiri, ndava vanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vanga vari vedu chaivo, vaisimbirira naisisu, asi kuenda kwavo kudoisa pachenu kuti mbeduba.
20 Asi mudozodzewa naiye Mutsvene, futi mese munoziva chokwadi. 21 Handikunyorerei nondava yokuti munozivaba chokwadi, asi kuti munoziva chokwadi futi kuti hapanai mabhwodo yanobva muchokwadi.
22 Nyamabhwodo mbani? Nguyo wese anoramba kuti Jesu ndiye Khirisitu. Munhu wakareyo ndiye mupikisi waKirisitu, anoramba Baba noMwanakomana pakamu. 23 Hapanai munhu anaBaba angarambe Mwanakomana, wese anopasa upfakazi kuMwanakomana, wakareyo anaBaba futi.
24 Itai kuti zvamudonzva kubva pakuthanga zvigare mamuri. Kana zvamudonzva kubva pakuthanga zvagara mamuri, munodzogara muMwanakomana nomuna Baba. 25 Zvakarezvi ndizvo zvaadotivimbisa, upenyu husingapere.
26 Ndinokunyorerai zvinhu zvakarezvi kuitira vaye vanoda kukutsambutsai. 27 Kana muri imi, kuzodzewa kwamudoitiwa naiye kunogara mamuri, futi munodaba kuti pave noangakufundisei. Asi sezvamunofundisiwa zvinhu zvese naiko kuzodzewako, kuri kwochokwadi, aikona kwomabhwodo, sezvakudokufundisai, garai maari.
28 Manje vana vanodiwa, garai maari, kuti paanodzooneka tidzova vanochivimbo vasingadzonyara pakuuya kwache. 29 Kana muchiziva kuti iye adorurama, munovawo nochokwadi chokuti wese anoita zvidonaka adozvahwa naye.