1 Kubva kumukuru
Kumudikani Gaiyasi, wandinoda pachokwadi.
2 Mudikani, ndinonamatira kuti zvese zvikutekairire zvidonaka sematekairiro yadonaka yazviri kuita kumweya wako. 3 Nokuti ndidopasiwa mufaro udokungudza padouya vamwe vatendi vachipfakaza pamusoro pomatendekero yaudoita kuchokwadi, vachinyaira kuenderera mberi kwako uchitekaira machiri. 4 Handinai mufaro mukuru unokunda wakareyu, kunzva kuti vana vangu vari kurarama muchokwadi.
5 Mudikani, chinhu chidotendeka chauri kuitira hama, zvidonyanya kunaka kana uchizviitira varendo. 6 Vadopfakazira rudo rako pamberi pokherekhe. Ndapota gonekanai navo vatekaire munzira yavo nomutoo unoremekedza Mwari. 7 Ndava vadobirika nokuda kwache uye hapanai chavadotambira kubva kunovasingatende. 8 Tinofanira kupasa rubatsiro kuno vadodaro kuti tive vanoshanda pabodzi pashoko rochokwadi.
9 Ndidonyora tsamba kukherekhe, asi Dhiyotirefasi anoda kuzviita wokuthanga haatitambire. 10 Saka pandichauya ndipo pandichabiritsa pachenu zvaari kuita, kumwaya mazvi yadoipa pamusoro pedu. Zvisiri zvakarezvi basi, asi anotoramba kutambira vamwe vatendi. Futi adotorambidza vaye vaida kuzviita, ndokutovabiritsa mukherekhe.
11 Mudikani, reka kuteedzera zvidoipa asi zvidonaka. Wese anoita zvidonaka ngwaMwari, wese anoita zvidoipa haanai kuona Mwari.
12 Munhu wese anonyaira zvidonaka pamusoro paDhimetiriyasi, futi nochokwadi pakare chinonyairawo zvidonaka pamusoro pache, anopfakazihwa zvidonaka novanhu vese.
13 Ndino zvokukunyorerai zvidowanda, asi handidi kukunyorerai ndichishandisa penzura noingi. 14 Ndinotarisira kudzokuona tsotsono, tonyairirana chiso nochiso.
15 Rugare mbarive newe.
Shamwari dziri kuno dziri kukumoresa. Moresa shamwari dzese kwakareko.