1 Judhasi, muranda waJesu Khirisitu, anova mukoma nomunin'ina’ina naJakobho.
Kuno vadodaidziwa, vanova vadikani muna Mwari Baba novadochengetehwa Jesu Khirisitu.
2 Dai tsitsi, norugare, norudo zvaingidzihwa kwamuri.
3 Vadikani, ndaiditsa kuti ndikunyorerei pamusoro poruponiso redu ratinoziva, ndidodzoona zvidonaka kukunyorerai ndichikukurudzirai kuhwira kuchengetedza kutenda kudopasiwa kabodzi basi kuvatsvene. 4 Nokuti panovadoverevedza ndokuerekana vava pakati penyu, ivovo vadogara vapasiwa kare kutongewa kwakareku kudonyohwa, mbanhu vasinai umwari vanomonyorora mutsa waMwari wedu vachiuita unosvaira vanhu kurarama nonzira isinai kuzvibata, vachiramba iye wega Tenzi wedu naIshe Jesu Khirisitu.
5 Kunyange maiziva zvakarezvi zvese, ndinoda kundokufungisai kuti panonguwa iyo Ishe paadonunura vanhu vache kubva kuIjipiti, asi mumasure mozvakarezvo adoparadza vaye vasinai kutenda. 6 Naidzo ngirozi futi dzisinai kuchengeta nzvimbo yadzene youkuru, asi dzidosiya nzvimbo chaiyo yadzene, adodzidira pamisungo yorima yokusingapere, kusvikira pakutongewa kwozuva rikuru. 7 Ndomwenze Sodhoma noGomora pabodzi nomaguta yadopoteredza, yadoita kunge ngirozi dzokaredzi, zvinonyangadza zvibodzibodzizvo zvoupombwe muenzaniso wovachatongewa nokudzotambudziwa nomoto wokusingapere.
8 Nonzira ibodzibodziyo, vanhu vakareva mukurota kwavo vanosvipisa miviri yavo, vanoramba ukuru pakare vachishora vaye vanokubhwinya. 9 Asi kana Mikaeri, ngirozi ikuru, paanga achipikisana naJabhurosi pamusoro pochitunha chaMozisi, haanai kumutukana, asi adondoti kwaari, "Ishe mbaakudzume." 10 Asi vanhu vakareva vanotukana zvese zvavasinganzvitsitse, futi vanoparadziwa nozvinhu zvavanotorera pamusoro, fanike zvinoitiwa nomhuka. 11 Nhamu kuno vakareva! Vadotetereka nonzira yaKhaini, vadosiya gwara ndokupinimidzira mubairo vachitaika fanike Bharamu, vadoparadziwa mukupanduka kwaKhora. 12 Vanhu vakareva vadosvipa pamitambo yenyu yokuwadzana. Pavanoja pabodzi naimimi vasingache, vanondozviitira hanya pachavo. Vakareva makuti yasinai mvura yanondogwididzihwa noduthu, miti yochirimo isinai michero, idodzuriwa ndokupfa kairi, 13 vadofanana nomapfeni yomvura yomugungwa yanopenga, vanonangidza kufumuka kwavo. Vadofanana nonyenyedzi dzinotizira dzonyangarika, vakareva vadochengetehwa rima nokusingapere.
14 Nondava yovakarevo Inoki wochinomwe kubva pana Adhamu adoporofita pamusoro pavo achiti, "Onai, Ishe ari kuuya nozviuru zvozviuru zvovatsvene vache, 15 kudzotonga vese nokukomwesa vese vasinai umwari hwavadoita mukusaya umwari kwavo, nokuita zvinosora ukari pakusaya umwari kwovatadzi vadotaura zvokupikisa Mwari."
16 Vanhu vakareva mbanyunyuti vanoshora vamwe, vasingagutsikane vanotevera zvido zvavo, vanopamuromo vachizvikudza vanoita tsvete kunovamwe kuti vawane zvavanoda.
17 Asi hama, munofanira kuyeuka, zvinhu zvidogara zvatauhwa nonhumwa dzaIshe wedu Jesu Khirisitu, 18 vadoti kwamuri, "Panguwa yokupedzisira, kuchava novashori, vachatevera zvido zvomwoyo yavo zvisinai umwari." 19 Ndivo vanhu vanokupesanisai, mbanhu vonyika vasinai Mweya. 20 Asi imimi, vadikani, zvivakhei mukutenda kwenyu kutsvene, munamate muMweya Mutsvene, 21 muzvichengete murudo raMwari pamunenge muchimirira tsitsi dzaIshe wedu Jesu Khirisitu kuti dzikuisei kuupenyu husingapere.
22 Ivai notsitsi kuno vanotsakidza, 23 ponesai vamwe, muchivabvuta mumoto, vamwe muvanzvire tsitsi muchicha, asi muchitozonda nombacha dzidotindivadziwa nonyama.
24 Kuna iye anogona kukuchengetai kuti mureke kumbwera nokukusvitsai pakubhwinya kwache musinai chinoshoreka muno mufaro, 25 kuna Mwari wega, Muponisi wedu kuburikidza naJesu Khirisitu Ishe wedu, mbakuve nokubhwinya, ukuru, utongi, nomasimba, kubvira nguwa isati yavapo izvozvi nokusingapere. Ameni.