Publicidade

Apocalipse 1

1 Zvidozuruhwa zvaJesu Khirisitu, zvaadopasiwa naMwari kuti anangidze varanda vache zvinofanira kuitika nokamangu. Adozvizivisa nokutuma ngirozi yache kumuranda wache Johwani, 2 anova ndiye adopfakazira shoko raMwari noupfakazi hwaJesu Khirisitu, nozvese zvaadoona. 3 Adokomborehwa uyo anoverenga mashoko yochiporofiti chakarechi, noanonzva achichengeta zvidonyohwa makaremo, nokuti nguwa yaapapfupi.

Kumoresa Kherekhe dziNomwe

4 Johwani, kukherekhe dzinomwe dziri muEzhiya.

Mutsa norunyararo mbazvive kwamuri, kubva kuna iye aripo, wanga aripo, noachadzovapo, nokumweya minomwe iri pamberi pomupando wache woushe, 5 uye kubva kuna Jesu Khirisitu, pfakazi idotendeka, dangwe kubva kuvadopfa, mutongi womadzimambo yonyika.

Kuna iye anotida adotisunungura kubva muzvitema zvedu nogazi rache 6 adotiita voumambo, novaphirisita kuna Mwari naBaba vache, kwaari mbakuve nokubhwinya nomasimba nokusingaperepere. Ameni.

7 Nangarai, anouya nomakuti. Meso yese yachamuona, pabodzi naivo vadomubaya. Marudzi yese yonyika yacharira nokuda kwache. Ndimwomwo. Ameni!

8 "Ndini Arufa naOmega," ndizvo zvinonyaira Ishe Mwari, aripo, wanga aripo, noachadzovapo Womasimba yese.

Kunangidziwa kwaKhirisitu kuna Johwani

9 Inipano Johwani, hama yenyu muna Jesu mukovani pabodzi naimipa pakutambudzika nomuumambo nomukutsungirira, ndanga ndiri pachitsuwa chinoitiwa Patimosi nokuda kwoshoko raMwari uye noupfakazi hwaJesu. 10 Ndanga ndiri muMweya pazuva raIshe, ndidonzva dzinga rikuru kumasure kwangu rinenge rotsuri, 11 richiti, "Zvaunoona nyora mubhuku wozvitumira kumakherekhe manomwe, kuEfeso, nokuSimina, kuPegamo nokuThiyatira, kuSadhisi nokuFiradhefiya nokuRaodhesiya."

12 Pakarepo ndidochungunuka kuti ndione wainyaira nainipano. Pandidochungunuka ndidoona zvigadziko zvomwenje zvondarama zvinomwe, 13 uye pakati pozvigadziko zvomwenje ndidoona umwe adofanana nomwanakomana womunhu, adosimira jasi rirefu adozvisunga pachipfuwa chache nobhande rondarama. 14 Vhudzi romusoro wache ranga ridochena kunge donje, kuchena kunge matarara, meso yache yanga yadoita kunge murazvo womoto, 15 tsoka dzache dzanga dzidofanana nomhangura inoyetima kunge yanatsiwa muvira romoto, uye dzinga rache ranga richiunga kunge mvura izinji, 16 wanga adobata nyenyedzi dzinomwe mujanja rache roruji. Mumuromo mache mudobirika bakatwa ridopinza rinocheka kwese kwese, chiso chache changa chidoita kunge zuva rinopenya nosimba rarene rese. 17 Pandidomuona ndidowira pasi potsoka dzache kunge ndapfa. Asi iye adoisa ruoko rache roruji pamusoro pangu, ndokuti, "Reka kucha! Ndini wokuthanga nowokupedzisira, 18 ndini iye mupenyu, ndanga ndidopfa, ona ndiri mupenyu nokusingaperepere, ndino khiyi dzoIpfa nodzoNzvimbo yovadopfa. 19 Naizvozvo nyora zvawaona, zviripo nozvichadzovapo mumasure mozvakarezvi. 20 Pamusoro pozvidosvisvika zvonyenyedzi dzinomwe dzawaona mujanja rangu roruji nozvigadziko zvomwenje zvinomwe zvondarama nzvizvi, nyenyedzi dzinomwe ndidzo ngirozi dzokherekhe dzinomwe, nozvigadziko zvomwenje zvinomwe ndidzo kherekhe dzinomwe.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-