1 Mumasure mozvakarezvi ndidoona ngirozi dzinai dzidomira pamativi manai yonyika, dzidovhara mhepo dzinai dzonyika, kuti mhepo ireke kuvhuvhuta panyika kana pagungwa kana pamuti upi zvawene. 2 Ipopo ndidoona imwe ngirozi ichikwira ichibva kumabvazuva, yanga inochisimbiso chaMwari mupenyu, idodaidzira nodzinga rinoruzha kungirozi dzinai dzanga dzapasiwa masimba yokukuwadza nyika nogungwa, 3 ichiti, "Rekai kukuwadza nyika kana gungwa kana miti, kusvikira taisa chisimbiso pahuma dzovaranda vaMwari." 4 Ndidonzva kuwanda kwovadoisiwa chisimbiso, vanga vari zviuru zvinomazana makumi manai nozvinai kubva kumarudzi yese yovana vaIzirairi, 5 kubva kurudzi raJudha zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRubheni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raGadhi, 6 zviuru gumi nozviiri kurudzi raAseri, zviuru gumi nozviiri kurudzi raNafutari, zviuru gumi nozviiri kurudzi raManase, 7 zviuru gumi nozviiri kurudzi raSimiyoni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raRevhi, zviuru gumi nozviiri kurudzi raIsaka, 8 zviuru gumi nozviiri kurudzi raZebhuroni, zviuru gumi nozviiri kurudzi raJosefa, zviuru gumi nozviiri vadoisiwa chisimbiso kurudzi raBhenjamini.
9 Mumasure mozvakarezvi ndidonangara ndokuona, gurusvusvu rikurufutiro risingaverengeke! Rinobva kunyika dzese, nokumarudzi yese, nokuvanhu vese, nomitauro yese, vadomira pamberi pomupando woushe nopamberi poHwayana. Vanga vadosimira zvipfeko zvichena vadobata michindwe mumanja yavo, 10 vadodaidzira nodzinga rinoruzha vachiti, "Ruponiso ndaMwari wedu anogara pamupando woushe, nokuHwayana!" 11 Ipopo ngirozi dzese dzidomira dzidopoteredza mupando woushe novakuru nozvisikwa zvipenyu zvinai, vadohwarara pamberi pomupando woushe ndokunamata Mwari, 12 vachiti, "Ameni! Kurumbidziwa, nokubhwinya, nouchenjeri, nokupasa kutenda, nokukudziwa, nosimba, noukuru mbazvive kuna Mwari wedu nokusingaperepere! Ameni."
13 Pakarepo umwe wovakuru adoti kwandiri, "Mbanaani vakareva, vadosimira zvichena, uye vadobva poi?"
14 Ndidoti kwaari, "Changamire, ndimi munoziva."
Adoti kwandiri, "Vakareva ndivo vadobva mukushupika kukuru, vadosuka majasi yavo mugazi roHwayana ndokuyachenesa. 15 Naizvozvo vari pamberi pomupando woushe waMwari, vanomunamata masikati nousiku muimba yache Mwari, iye anogara pamupando woushe achavavhumbamira. 16 Havachakomoka nonzara, kana kupfa nonyota, zuva harichavapisa kana kupisiwa nokumwe kupisa, 17 nokuti Hwayana riri pakati pomupando woushe richava nyakabusa wavo, richavatungamirira kutusipiti tomvura ipenyu, Mwari achapisika misodzi yese pameso yavo.