1 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paSadhisi, mazvi yaiye anomweya minomwe yaMwari nonyenyedzi dzinomwe. Ndinoziva mabasa yako, kuti unozita rokuti uri mupenyu, asi udopfa. 2 Muka, usimbise zvasara zvaakuda kupfa, nokuti handinai kuwana mabasa yako yadokwana pamberi paMwari wangu. 3 Yeuka, zvaudotambira nozvaudonzva, uzvichengete, uye upinduke. Kana usingapepuke, ndichauya sembavha, futi haungazive nguwa yandichauya nayo kwauri. 4 Asi unovanhu vashomanana paSadhisi, yovanhu vasinai kusvipisa hembe dzavo, vachatekaira nainini vanohembe dzichena, nokuti vadofanihwa nazvo. 5 Anokunda achasimidziwa hembe dzichena kunge ivo, uye ndinodzimwaba zita rache mubhuku roupenyu. Ndichapfakaza zita rache pamberi paBaba vangu nopamberi pongirozi dzavo."
6 "Anonzeve, mbaanzve zvinoreva Mweya kumakherekhe!"
7 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paFiradhefiya. ‘Aya ndiyo mazvi yaiye mutsvene wochokwadi. Iye anokhiyi yaDhavhiti, anovhura pasinai anodzovhara, noanovhara pasinai anodzovhura. 8 Ndinoziva mabasa yako. Nangara ndaisa pamberi pako musuwo udovhurika, usinai anokona kuuvhara. Ndinoziva kuti unosimba rishoma, asi udoteerera shoko rangu uye haunai kuramba zita rangu. 9 Tetekera, avo vogungano raSathani, vanozviti maJudha ivo vasiri asi mbokunyepedzera, ndichavaita kuti vauye vakotame pamberi pako. Kuti vazive kuti ndidokuda. 10 Nokuti udochengeta mashoko yangu uchitsungirira, ndichakuchengetawo peno panguwa yokuyedzewa iri kuuya panyika yese, kudzoedza vanogara panyika. 11 Ndiri kuuya nokamangu. Batitsitsa zvaunazvo, kuti ureke kutorehwa korona yako. 12 Anokunda, ndichamuita mbiru muimba yaMwari wangu, anodzobirikaba makaremo. Ndichanyora paari zita raMwari wangu nozita roguta raMwari wangu, Jerusarema ritsva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu ndichanyorawo kamu paari zita rangu ritsva.'
13 "Anonzeve, mbaanzve zvinoreva Mweya kumakherekhe!"
14 "Nyorera ngirozi yokherekhe iri paRaodhesiya. ‘Mazvi yaAmeni, pfakazi idotendeka noyochokwadi, Muwaniwa kuzvisikwa zvaMwari. 15 Ndinoziva mabasa yako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndaida kuti hasa waitotonhora kana kupisa! 16 Zvino zvaunondothuma usingatonhore kana kupisa, ndichakusvipura mukamwa mangu. 17 Nokuti unozviti, ‘Ndidopfuma, ndidopfumisiwa, futi hapanai chandinosaya.’ Usingazive kuti ndiwe unourombo hudokungudza uri womangamanga, unosiririsa, uri murombo, rombe, futi uri pedzi peno. 18 Naizvozvo ndinokupasa zano rokuti utenge kwandiri ndarama idonatsiwa nomoto, kuti upfume, uve nohembe dzichena kuti uzvisimidze ubise nyadzi dzokuva pedzi, kuti ufukidze nyadzi dzoupedzi hwako hureke kuonewa, ndokupasa chizoro chomeso, kuti uwone. 19 Vese vandinoda ndinovaranga nokuvarova, naizvozvo shingaira upinduke. 20 Ona, ndinomira pamusuwo ndichigugudza, kana munhu akanzva dzinga rangu akavhura musuwo, ndichapinda maari ndoja pabodzi naye, iye nainini. 21 Anokunda ndichamupasa mvumo yokugara pamupando wangu woushe, fanike inini ndidokunda ndokugara pabodzi naBaba vangu pamupando wavo woushe."
22 "Anonzeve, mbaanzve zvinoreva Mweya kumakherekhe!"