1 Zvino ndidonangara, ndokuona pagomo roZiyoni Hwayana adomira, vanga vadomira naye vanga vari zviuru zana nomakumi manai novanai vanga vanozita rache nozita raBaba vache ridonyohwa pahuma dzavo. 2 Pakarepo ndidonzva izvi richibva kudenga ranga ridoita kunge kuunga kwomvura izinji uye kunge kudhirima kukuru, izvi randidonzva ranga ridoita kunge romarimba yanenge yachiridziwa novanoridza. 3 Vadoimba chimbo chitsva pamberi pomupando woushe nopamberi pozvisikwa zvipenyu zvinai nopamberi povakuru. Hapanai adokona kudzidza chimbo chakarecho kusiya kovakarevaye zviuru zana nomakumi manai novanai vanga vadzikinuriwa panyika. 4 Vakareva ndivo vasinai kuzvisvipisa novakadzi, nokuti vadochena kunge mhandara, ndivo vanotevera Hwayana kwese kwarinoenda, ndivo vadodzikinuriwa pakati povanhu kuti vave zvibereko zvokuthanga zvaMwari noHwayana. 5 Futi mumuromo mavo hamunai kuwanika mabhwodo, havanai chavanonenedzehwa.
6 Ipopo ndidoona imwe ngirozi ichiurukha mudenga, inovhangeri risingapere kuti iparidzire vanogara panyika, kunyika dzese, nokumarudzi yese, nomitauro, novanhu vese, 7 idoti noizvi rinoruzha, "Ichai Mwari mumurumbidze iye, nokuti nguwa yache yokutonga yasvika. Uye munamatei adosika denga nonyika, nogungwa notusipiti twomvura."
8 Imwe ngirozi yochipiri idotevera, ichiti, "Rawa! Rawa Bhabhironi guta rikuru! Ridomwisa marudzi yese waini youhure hwarene!"
9 Ipopo imwe ngirozi yochitatu, idovatevera, ichiti noizvi rinoruzha, "Kana munhu akanamata chirombo nomufananidzo wachene, nokutambira chidzvanga chachene pahuma yache kana pajanja rache, 10 naiyewo achamwa waini youkari hwaMwari, idodiriwa isinai kusanganisiwa nomvura mumukombe woukari hwache, achatambudziwa mumoto nosarufa pamberi pongirozi dzitsvene nopamberi poHwayana. 11 Utsi hwokutambudzika kwavo hunokwira kumusoro nokusingaperepere, havanai zororo, masikati kana usiku, vakareva vanamati vochirombo nomufananidzo wachene, noupi zvache anotambira chidzvanga chachene."
12 Ipopa ndipo panoda kutsungirira kwovatsvene, vanochengeta mirairo yaMwari nokugara vadotendeka kuna Jesu.
13 Pakarepo ndidonzva izvi ridobva kudenga richiti, "Nyora zvakarezvi uti: Vadokomborehwa vadopfa vanopfira muna Ishe kubva izvozvino."
Mweya anonyaira kuti, "Vadokomborehwa zvochokwadi, kuti vazorore kubva pakushanda kwavo, nokuti mabasa yavo yanovatevera!"
14 Ipopo ndidonangara, ndokuona guti richena, nowanga adogara pamusoro parene wanga adofanana nomwanakomana womunhu, anokorona yondarama mumusoro wache, nojeko ridopinza mujanja rache. 15 Zvino imwe ngirozi idobirika muimba yaMwari, ichidaidzira noizvi rinoruzha kunaiye wanga adogara pamusoro poguti ichiti, "Torai jeko renyu mukohwe, nokuti nguwa yokukohwa yasvika, nokuti gohwo ronyika raibva." 16 Pakarepo wanga adogarikika pamusoro poguti adocheka nojeko rache, nyika ndokubva yakohwewa.
17 Zvino imwe ngirozi idobirika muimba yaMwari kudenga, naiyowo yanga inojeko ridopinza.
18 Pakarepo imwe ngirozi idobirika paatari, yanga inomasimba pamusoro pomoto, idodaidzira noizvi rinoruzha, kunaiye wanga anojeko ridopinza ichiti, "Tora jeko rako ridopinza, uunganidze misumbu yomizambiringa yonyika, nokuti mazambiringa yayene yaibva." 19 Ipopo ngirozi idokhandira jeko rayene panyika ndokuunganidza mazambiringa yonyika, idoyakhanda pachisviniro chikuru choukari hwaMwari. 20 Chisviniro chidotsikihwa kunze kwoguta, gazi ndokubirika pachisviniro richiyerera ridokwirira kusvika pamatomu yomabhiza ridoyerera kusvika pamazana matatu yomakhiromita.