Publicidade

Apocalipse 11

Pfakazi Dziiri

1 Pakarepo ndidopasiwa kamuti kokueresa kanenge tsvimbo, ndokunyepewa zvichinzi, "Enda koyera imba yaMwari noatari nokuverenga vanonamata makaremo, 2 asi reka kuyera chivanze choimba yaMwari, chisiye ndava chidopasiwa kuvanhu vasiri maJudha, kuti vatsike guta ritsvene kwomwedzi makumi manai nomiiri. 3 Ndichapasa pfakazi dzangu dziiri simba rokuti vaporofite vadosimira masaga, kwomazuva chiuru nomazana mairi nomakumi matanhatu."

4 Vakareva ndiyo miti yomiorivhi miiri nozvigadziko zvomwenje zviiri zvidomira pamberi paIshe wonyika. 5 Kana kunomunhu anoda kuvakuwadza, moto uchabirika mukamwa mavo uchiparadza vanovazonda, kana kunomunhu anoda kuvakuwadza, ndomabaihwo yaachaitiwa. 6 Vanomasimba yokuvhara denga kuti mvura ireke kuna pamazuva yokuporofita kwavo, vanomasimba pamusoro pomvura kuti vaisandure ichiva gazi, nokurova nyika nomatambudzo yese nonguwa yavanoda.

7 Kana vapedza kupfakaza kwavo, chirombo chinokwira chichibva kugomba risingagon'e chichavahwisa chichivakunda nokuvabaya, 8 futi zvitunha zvavo zvicharadzikiwa munzira yoguta rikuru rinodaidziwa nozita rokushinjirira rokuti Sodhoma noIjipiti, padoroverehwa Ishe wavo. 9 Kwomazuva matatu nochidimbu chopakati nopakati vamwe vanhu vanobva kuvanhu vese, kumarudzi yese, nomitauro yese, nonyika dzese vachaona zvitunha zvopfakazi vorambidza kuti zvivikhiwe muguwa. 10 Uye avo vanogara panyika vachafara pamusoro pavo vachipasana zvipo, nokuti vaporofiti vakareva vairi vadotambudza avo vanogara panyika. 11 Asi mazuva matatu nochidimbu yadoti yapera mweya woupenyu udobva kuna Mwari udopinda mavari, vadosumuka ndokumira notsoka dzavo, kucha kukuru kudowira vese vadovaona. 12 Pakarepo vadonzva izvi rinoruzha ridobva kudenga richiti kwavari, "Kwirai kuno!" Vadokwira kudenga noguti vavengi vavo vachizviona. 13 Zvino nonguwa yakareyo padova nokugwetedzeka kukuru kwonyika, chikamu chochigumi choguta chidokoromokera pasi, vanhu zviuru zvinomwe vadobaiwa nokugwetedzeka kwakareko, uye vadopurumuka vadocha ndokurumbidza Mwari wokudenga.

14 Nhamu yochipiri yadarika, nangara, nhamu yochitatu inouya kamangu.

Tsuri yoChinomwe

15 Zvino ngirozi yochinomwe idoridza tsuri yayene, padoita mazvi yoruzha kudenga yaiti, "Umambo hwonyika hwava umambo hwaIshe wedu naKhirisitu wache, achatonga nokusingaperepere." 16 Pakarepo vakuru makumi mairi novanai vanogara pamipando yavo youshe pamberi paMwari vadohwarara vakanamata Mwari, 17 vachiti,

"Tinokupasai kutenda imimi, Ishe Mwari Womasimba yese, muripo nomanga muripo!

Nokuti mudotora masimba yenyu makuru

mukathanga kutonga.

18 Nyika dzidogumbuka

asi ukari hwenyu hudosvika,

nguwa yasvika yokuti vadopfa vatongewe,

uye kuti mupase mubairo varanda venyu, vaporofiti novatsvene,

novanocha zita renyu,

vese vadiki novakuru,

uye kuti muparadze vaye vanoparadza nyika."

19 Ipopo imba yaMwari idovhuriwa kudenga, phutumende yochibvumirano chache idooneka muimba yache. Kudobva kwava nokuvaima kwomheni, nomazvi, nokudhirima, nokugwetedzeka kwonyika, nochimvuramabhwe chikuru.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_14-04-22-