Publicidade

Apocalipse 22

1 Zvino ngirozi idondinangidza hwizi hwomvura youpenyu, iri ngwiro kunge matarara, yanga ichiyerera ichibva pamupando woushe hwaMwari nohwoHwayana, 2 ichipinda nopakati ponzira yoguta. Kumativi mairi yohwizi kwanga kuno muti woupenyu wanga uchibereka michero yomarudzi gumi nomairi, pamwedzi umwe noumwe, pakamu mazani yawene yaiva yokuporesa marudzi. 3 Hakuchinai chinhu chidoshurikidziwa.

Asi mupando waMwari woushe nowoHwayana uchava mukati marene, varanda vache vachamunamata. 4 Vachaona chiso chache, uye zita rache richava pahuma dzavo. 5 Usiku hahuchadzovapo, havachadzoda chiedza chomwenje kana chozuva, nokuti Ishe Mwari achava chiedza chavo, uye vachatonga nokusingaperepere.

Kuuya kwaJesu

6 Zvino ngirozi idoti kwandiri, "Mashoko yakareya yadotendeka njochokwadi. Ishe, Mwari womweya yovaporofiti, adotuma ngirozi yache kuti inangidze varanda vache zvinhu zvaakuda kuitiwa."

7 "Onai, ndinouya kamangu. Adokomborehwa wakareyo anochengeta mashoko yochiporofiti chomubhuku rakareri."

8 Inipano Johwani ndini ndidonzva nokuona zvinhu zvakarezvi. Zvino pandidonzva nokuzviona, ndidohwarara kuti ndinamate pamberi potsoka dzongirozi idondinangidza zvakarezvi. 9 Asi idoti kwandiri, "Reka kudaro! Ndiri muranda pabodzi naiwepa nohama dzako vaporofiti, novanochengeta mashoko yobhuku rakareri. Namata Mwari." 10 Ipopo idoti kwandiri, "Reka kuzarira mashoko yochiporofiti yari mubhuku rakareri, nokuti nguwa yaapapfupi. 11 Muiti wozvidoipa mbaarambe achiita zvidoipa, noanotsambwa mbaarambe achisvipisiwa, noadorurama mbaarambe achiita zvidorurama, nomutsvene mbaarambe ari mutsvene."

12 "Onai, ndinouya kamangu, ndinouya nomubairo wangu kuti ndidzopasa umwe noumwe sezvaadobata. 13 Ndini Arufa naOmega, wokuthanga nowokupedzisira, mavambo nomagumo."

14 Vadokomborehwa vanosuka hembe dzavo, kuti vave nokodzero yokuuya kumuti woupenyu kuti vapinde muguta nopamisuwo. 15 Panze ndipo panoimbwa novaroi nomhombo novaurayi novanonamata zvifananidzo, novese vanoda mabhwodo vachiyaita.

16 Inini Jesu ndidotuma ngirozi yangu kuti ikupfakazirei zvakarezvi kumakherekhe. Ndini mudzi nobukira rorudzi raDhavhiti, nyenyedzi inopenya yomambakwedza."

17 Mweya noMuroora vanoti, "Uya."

Naiye anonzva mbaati, "Uya."

Noanonyota mbaauye, anoda mbaatore mvura youpenyu pasinai chaanobhadhara.

Mashoko yokupedzisira

18 Ndinoyambira umwe noumwe anonzva mashoko yochiporofiti yari mubhuku rakareri ndichiti, kana munhu akaingidzira pazvinhu zvakarezvi, Mwari vachaingidzira kwaari matambudzo yadonyorewa mubhuku rakareri. 19 Kana munhu akatapudza mashoko yobhuku yokuporofita kwakareku, Mwari vachatapudza mugove wache pamuti woupenyu nomuguta ritsvene, nopazvinhu zvidonyohwa mubhuku rakareri.

20 Iye anopfakaza zvinhu zvakarezvi anoti, "Chokwadi ndinouya kamangu."

Ameni. Uyai Ishe Jesu!

21 Mutsa waIshe Jesu mbauve novanhu vese. Ameni.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-16_06-50-08-