Publicidade

Apocalipse 21

Denga Ritsva noNyika Itsva

1 Pakarepo ndidoona denga ritsva nonyika itsva, nokuti denga rokuthanga nonyika yokuthanga zvanga zvapfuura, kana gungwa ranga risisipo. 2 Ndidoona guta ritsvene, Jerusarema ritsva, richiburuka pasi kubva kudenga kuna Mwari, ridogadzirihwa kunge muroora adoshongedzehwa murume wache. 3 Ipopo ndidonzva izvi rinoruzha ridobva pamupando woushe richiti, "Nangarai, ugaro hwaMwari huri pakati povanhu. Achagara navo, ivo vachava vanhu vache, Mwari pachake achava navo, wova Mwari wavo. 4 Achapisika misodzi yese pamatama yavo, hapachinai ipfa kana kurira kana mhere kana kudzimbiwa nokuti zvinhu zvokare zvapfuura."

5 Iye wanga adogarikika pamupando woushe adoti, "Nangarai, ndinosandura zvinhu zvese kuti zvive zvitsva." Adotiwo pakamu, "Nyora zvakarezvi, nokuti mashoko yakareya yangatendewe njochokwadi." 6 Adoti kwandiri, "Zvaitiwa! Ndini Arufa naOmega, wokuthanga nowokupedzisira. Anonyota ndichamupasa zvinobva pakasipiti komvura youpenyu pasinai mubhadharo. 7 Anokunda achagara nhaka yozvinhu zvakarezvi. Futi ndichava Mwari wache, iye achava mwanakomana wangu. 8 Asi kuno vanocha, novasingatende, novanyangadzi, nomhondi, nomhombo, novaroi, novanonamata zvimifananidzo, novese vanobhwodoka mubairo wavo uchava mudziva rinopfuta moto nosarufa, ndiyo ipfa yochipiri."

Jerusarema Ritsva

9 Zvino imwe yongirozi dzinomwe dzanga dzinombiya dzinomwe dzidozara matambudziko manomwe yokupedzisira, idotaura kwandiri, ichiti, "Uya pano, ndichakunangidza muroora, mukadzi woHwayana." 10 Ipopo muMweya adonditakura achindiisa kugomo rikuru, rirefurefu, ndokundinangidza guta ritsvene Jerusarema richiburuka pasi richibva kudenga kuna Mwari, 11 rinokubhwinya kwaMwari. Chiedza charene changa chidoita kunge dombo rinokosha maninge, kunge dombo rojasipisi, ridongwerevera kunge mvura yomatarara. 12 Ranga rinomadziro makurufuti marefurefu, nomisuwo gumi nomiiri, pamisuwo panga pano ngirozi gumi nodziiri, uye panga padonyorewa mazita gumi nomairi yomarudzi yovana vaIzirairi, 13 kumabvazuva kwanga kuno misuwo mitatu, kumaodzanyemba misuwo mitatu, kuchamhembe misuwo mitatu, nokumadokero misuwo mitatu. 14 Madziro yoguta yanga yanonheyo gumi nodziiri pamusoro padzene panga padonyorewa mazita yonhumwa dzoHwayana gumi nodziiri. 15 Uyo adonyaira nainini wanga anotsvimbo yondarama yokuyeresa guta nomisuwo yarene nomadziro yarene. 16 Guta ranga ridoenzana mativi yarene manai, kurepha nokuphanyuka zvanga zvidofanana, adoyera guta notsvimbo yache, rikasvika makhiromita zviuru zviiri nomazana mairi. Kurepha kwarene nokuphanyuka hwarene nokukwirira kwarene zvanga zvidoenzana. 17 Adoyera pakare madziro yarene, yadoita mamita makumi matanhatu nomashano nochiyero chomunhu, chiri chiyero chongirozi. 18 Madziro yanga yadovakhiwa nojasipa, guta ranga riri rondarama idonakitsa, idongwerevera kunge girazi. 19 Nheyo dzomadziro yoguta dzanga dzidonamiwa nomabhwe yomarudzi yese yanokosha. Nheyo yokuthanga yanga iri yojasipa, yochipiri yanga iri yosafaya, yochitatu yanga iri yoageti, yochinai yanga iri yoemarodhi, 20 yochishano yanga iri yoonikisi, yochitanhatu yanga iri yokaneriyeni, yochinomwe yanga iri yokiraisoriti, yochisere yanga iri yobheriyero, yochipfemba yanga iri yotopazi, yogumi yanga iri yokiraisopurase, yogumi noibodzi yanga iri yojasinzi, yogumi nodziiri yanga iri yoametisiti. 21 Misuwo gumi nomiiri yanga iri zvuma zvinokosha gumi nozviiri, musuwo umwe noumwe wanga udogadziriwa nochuma chinokosha chibodzi, nzira yomuguta yanga iri yondarama, idonakitsa, idongwerevera kunge girazi.

22 Handinai kuona imba yaMwari muguta, nokuti imba yaMwari yomuguta ndiIshe Mwari Womasimba yese noHwayana. 23 Guta ranga risinai basa nozuva kana mwedzi kuti zvirivhenekere, nokuti kubhwinya kwaMwari ndochiedza charene, noHwayana ndomwenje warene. 24 Marudzi yovanhu yachatekaira muchiedza charene, nomadzimambo yonyika yachauyisa kubhwinya kwavo mukati marene. 25 Uye misuwo yarene haivhariwe masikati nokuti kwakareko kunenge kusinai usiku. 26 Vachauyisa mukati marene kubhwinya nokukudziwa kwomarudzi. 27 Hapanai chinotsambwa chichapinda mukati marene, kana anodzonga kana anomabhwodo. Asi vakarevo chete chete vadonyorewa mubhuku roupenyu roHwayana.

Veja também

Publicidade
Bíblia Online Bíblia Online

Bíblia Online • Versão: 2026-06-18_10-32-54-