1 Hwayana paridovhura chisimbiso chochinomwe, padova nokunyarara kudenga kwochikamu chinenge pakati nopakati poawa ibodzi. 2 Pakarepo ndidoona ngirozi dzinomwe dzidomira pamberi paMwari, dzidopasiwa tsuri dzinomwe.
3 Zvino imwe ngirozi idouya ndokumira paatari inombiya yondarama yozvinonushira, idopasiwa zvinonushira zvidowanda kuti izviise pabodzi nominamato yovatsvene vese pamusoro poatari yondarama yanga iri pamberi pomupando woushe. 4 Utsi hwozvinonushira pabodzi nominamato yovatsvene kubva pajanja rongirozi hudokwira pamberi paMwari. 5 Ipopo ngirozi idotora mbiya iye ndokuizaza nomoto wopathafura yokupira zvipo ndokuukhandira panyika, pachibva pava nokudhirima nomadzinga, nokuvaima kwomheni nokugwetedzeka kwonyika.
6 Zvino ngirozi dzinomwe dzanga dzinotsuri dzinomwe dzidogadzirira kuridza.
7 Ngirozi yokuthanga idoridza tsuri yayene, kukauya chimvuramabhwe nomoto, zvidokumanisiwa nogazi, ndokuzvikhandira panyika, ipopo chikamu chochitatu chonyika chidotsva chese, nochochitatu chomiti chidotsva, nousva hwese hunyoro hudotsva.
8 Ngirozi yochipiri idoridza tsuri yayene, chimwe chinhu chinenge gomo rikuru, rinopfuta moto, chidokhandihwa mugungwa, chikamu chochitatu chogungwa chidova gazi, 9 chikamu chochitatu chozvisikwa zvipenyu zvanga zviri mugungwa chidopfa, nochikamu chochitatu chozvikepe chidoparadziwa.
10 Ngirozi yochitatu idoridza tsuri yayene, nyenyedzi ikuru idombwera kubva kudenga, ichipfuta kunge chitsiga ndokuwira pamusoro pochikamu chochitatu chotuhwizi nopamusoro potusipiti tomvura. 11 Zita ronyenyedzi yakareyo raiitiwa Chinovava, chikamu chochitatu chomvura chidovavisiwa, vanhu vazinjifuti vadopfa nomvura, nokuti yanga yavavisiwa.
12 Ngirozi yochinai idoridza tsuri yayene, chikamu chochitatu chozuva chidoora, nochikamu chochitatu chomwedzi nochikamu chochitatu chonyenyedzi, kuti zvikamu zvochitatu zvochiedza chazvene chisvipe, uye kuti chikamu chochitatu chomasikati chireke kuvheneka, zvibodzibodzizvo nochikamu chochitatu chousiku.
13 Zvino ndidonangara, ndokunzva gondo richirira nodzinga rinoruzha paranga richiurukha pakati podenga richiti, "Nhamu, nhamu, nhamu kuno vanogara panyika, nondava yoyamwe madzinga yotsuri dzaakuda kuridziwa nodzimwe ngirozi dzitatu!"