1 Zvino ndidonzva izvi rinoruzha richibva muimba yaMwari richiti kungirozi dzinomwe, "Endai kodurura mbiya dzinomwe dzoukari hwaMwari panyika."
2 Nokudaro ngirozi yokuthanga idoenda ndokudurura mbiya yayene panyika, zvironda zvidoipa zvinodzimba zvidouya pavanhu vanga vanochiratidzo chochirombo novainamata mufananidzo wachene.
3 Ngirozi yochipiri idodurura mbiya yayene mugungwa, ridosanduka rikaita kunge gazi romunhu adopfa, futi zvipenyu zvese zvanga zviri mugungwa zvidopfa.
4 Ngirozi yochitatu idodurura mbiya yayene muhwizi nomutusipiti tomvura, mvura ndokusanduka kuva gazi. 5 Ipopo ndidonzva ngirozi yomvura ichiti, "Imipa mudorurama Mutsvene, mumatongero yenyu yakareya, manga muripo uye muripo. 6 Ndava vadodeura gazi rovatsvene novaporofiti, uye mudovapasa gazi kuti vamwe. Ndiwo mubairo wavo!" 7 Ndidonzva atari ichiti, "Ehe, Ishe Mwari woMasimba yese, kutonga kwenyu ndokwochokwadi kudorurama!"
8 Ngirozi yochinai idodurura mbiya yayene pamusoro pozuva, zuva ndokupasiwa mvumo yokutsvonda vanhu nomoto. 9 Vanhu vadotsvondewa nokutsvondewa kunochisa, vadobva vatukana zita raMwari anomasimba pamusoro pomatambudziko yakareya, havanai kupinduka nokumurumbidza.
10 Ngirozi yochishano idodurura mbiya yayene pamusoro pomupando woushe hwochirombo, noumambo hwachene hudova murima, vanhu vadotsenga zvirimi zvavo nokudzimbiwa, 11 uye vadotukana Mwari wokudenga pamusoro pokuhwadziwa nozvironda zvavo, havanai kupinduka kubva pamabasa yavo.
12 Ngirozi yochitanhatu idodurura mbiya yayene pamusoro pohwizi rikuru rinonzi Yufuretisi, mvura yarene idobva yapwa, kugadzirira nzira madzimambo yokumabvazuva. 13 Ipopo ndidoona mweya youtsambwa mitatu inenge mazura ichibirika mumuromo wotsato nomumuromo wochirombo nomumuromo womuporofiti womabhwodo. 14 Ndava ndiyo mweya yomashave, inoita zviratidzo inoenda kumadzimambo yonyika yese, kuvaunganidzira hondo pazuva rikuru raMwari Womasimba yese.
15 "Ndiri kuuya kunge mbavha! Adokomborehwa anoramba adopenya achichengeta hembe dzache, kuti areke kudzotekaira ari pedzi achionehwa!"
16 Mashaveyo yadovaunganidza panzvimbo inonzi nochiHebheru Amagedhoni.
17 Ngirozi yochinomwe idodurura mbiya yayene mudenga, izvi rinoruzha ridobirika muimba yaMwari, richibva pamupando woushe, richiti, "Zvapera!" 18 Pakarepo padova nokupenya kwokambarivari, nomazvi nokudhirima, nokugwetedzeka kukuru kwonyika kwanga kusinati kwaitika kubva padosikiwa vanhu, kwanga kudokuritsa kugwetedzeka kwakareko. 19 Guta rikuru ridokamuriwa ndokuita zvikamu zvitatu, uye maguta yomarudzi yadokoromoka, ipopo Mwari adoyeuka guta rikuru roBhabhironi kuti ripasiwe mukombe woukari hwache. 20 Zvitsuwa zvese zvidotiza, nomakomo hayanai kuwanika. 21 Chimvuramabhwe chikuru, chidobva kudenga ndokuwira pamusoro povanhu, kurema koribhwe rimwe norimwe kwanga kudoita kunge makhirogiramu makumi mashano, kusvikira vanhu vatukana Mwari nokuda kodambudziko rochimvuramabwe, nokuti ranga richichisa dambudziko rakarero.